Dzimwe mhando dzerondedzero

21 Jul, 2017 - 00:07 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga —
KUNE mhando dzakasiyana-siyana dzerondedzero idzo tinogona kunyora kana kusangana nadzo mubvunzo nokudaro tinofanirwa kuva neruzivo rwakakwana rwemhando idzi kuti ndyaringo dzedu dzigobuda zvakanaka apo tinenge tonyora. Kune mhando dzinokwana shanu kana kupfuura dzerondedzero.

Kune mhando dzinoti yenhoroondo, yetsanangudzo, yekushandisa pfungwa dzechokwadi kozotiwo rondedzero yefungidziro. Kunezve rondedzero yekushandisa pfungwa dzakapiwa kotiwo yehurukuro. Kunewo bandiko rerondedzero retsamba iro rine mipatsa miviri inoti tsamba yebasa kuchizoti tsamba yeushamwari.

Muchikamu chino tinoda kutarisa dzimwe mhando dzose asi tichimbosiya tsamba nekuti tsamba dzine mukaha wakakura.

Mhando yenhoroondo imhando yerondedzero inoda kuti munyori atsanangudze zvakaitika aripo kana kuti zvaakasangana nazvo. Zvinoda kuti munyori adzamise pfungwa dzake zvekugona kuburitsa chinyorwa chinosiya muverengi aonawo zvawakasangana nazvo zvekuti anopedzisira ava kuita sekunge anga aripo.

Nyaya yacho ngaive inonakidza uye ichikwezva kuitira kuti muverengi akwanise kufamba newe. Pamhando iyi ndipo panopinda misoro yenyaya inoti zuva randisingakanganwi, zuva rangu rekutanga kusvika pachikoro, tsaona yandakaona kana kuti rwendo rwandakafamba nebhazi. Rangarira zvatakataura kumashure nenyaya yekunyora chinyorwa chine hudzamu.

Mhando yechipiri imhando yetsanangudzo iyo inoda kuti munyori atsanangudze nemazvo chinhu chaanoziva kana kunzwisisa. Tsanangudzo inodeedza goho rakakura inofanirwa kuti muverengi aone chinhu chauri kutsanangudza mupfungwa dzake agogutsikana. Shandisa zvirungamutauro zvinodakadza uye ronga pfungwa dzako dzichierera.

Tsanangudzo inobuda nepaviri apo munyori anogona kutsanangudza achibva kumusoro achidzika kana kuti achibva kuzasi achikwidza. Pamhando iyi ndipo panopinda misoro inoti mhuka yandinofarira, mudzidzisi wangu kana kuti chikoro chedu. Kubudikidza netsanangudza yemunyori inozadza mukombe, muverengi ngaabva aona chokwadi manakiro akaita mhuka yaunofarira kana kuti chikoro chako.

Kunyora mhando yerondedzero yekushandisa pfungwa dzechokwadi hakudi munhu asina ruzivo rwakakwana nechinhu chacho. Hazvidi zvakare munhu anofoya kana kunyepa nekuti uchatsanangudza chinhu chinogona kunge chichizivikanwa nemuverengi kana mukwenyi webasa rako obva atoona kuti aya manyepo dzokono wotouraya basa rako.

Mukukwenywa kwebasa mune inonzi “impression” yekuti wafadza mukwenyi webasa rako zvakadini, zvino kana wamunyepera zviri pachena anogokupei? Funga zvakadzama pamusoro wepfungwa iwoyo ugova neruzivo rwakakunda rwavamwe wobva wawedzera nekukanga mutauro wako nezvirunga mutauro zvakaringana kuti ubva wazipa semuto wetsimba.

Mhando dzemisoro yenyaya inowanikwa apa ndeinoti, “kukosha kwemiti, mabikirwo erupiza kana kubika ndari.”

Rondedzero yefungidziro inopa munhu mukana wekuzviona ari pane chimwe chinzvimbo chisiri chaanogara ari. Munyori anogona kutsananangudza izvo aigona kuita dai anga ari pachinzvimbo ichocho sekuti dai anga ari mambo.

Munyori apa anobvumirwa kurotomoka twose twaanoshuvira dai anga ari mambo izvo zvingadai zviri kutadzwa namadzimambo aripo. Mumhando iyi ndimo munowanikwa misoro inoti, “Dai ndiri mukuru wechikoro. Dai ndiri mufundisi wechechi, Hupenyu hwangu semombe.”

Imwe yemhando dzinowanzouya pabvunzo imhando yehurukuro. Hurukuro imhando yekunyora inenge iine vanhu vaviri kana kupfuura. Kana uchinyora hurukuro hazvidi kuti uise nyora (opening and closing inverted commas) kuratidza mazwi anyakutaura asi kuti unonyora mazita avo nezvavanotaura kumberi kwemazita avo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey