‘Dziviriro ndiwo mushonga mukuru’

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views
‘Dziviriro ndiwo mushonga mukuru’

Kwayedza

Catherine Murombedzi
DZIVIRIRA mwana wako kubva muutachiona hweHIV. Izvi zvinokwanisika kunyangwe amai vaine utachiona hweHIV mwana anogona kuzvarwa asina. Asi zvinogonekwa chete kana amai vakazvitakura vaongororwa ropa.

Mushure mekuwanikwa vaine utachiona hweHIV amai vanoiswa pachirongwa cheOption B+ icho vanopihwa mapiritsi ekudzivirira kutapukira kweutachiona kuenda kumwana. Mapiritsi aya amai vanoanwa kweupenyu hwose.

Prisca mudzimai wechidiki ane makore makumi maviri okuberekwa uye ane vana vaviri. Mumwe wevana ava mucheche ari kuyamwa ane gore nemwedzi mitanhatu.

Nekuda kwekuomerwa neupenyu, Prisca akasunungukira vana vake vose mumba achibatsirwa nambuya nyamukuta avo vaanopa mari shoma-shoma paanenge aiwana. Prisca anogara mumusha weKatanga, kuNorton.

Prisca anoti rimwe zuva mwana wake mucheche akapisa muviri iye ndokumupa mushonga weparacetamol samazuva ese asi hazvina kubatsira. Anoti mwana akarara achigomera achibva angoti zuva richiti vhuu kubuda ndiye mwana kumusana kumhanyira kukiriniki kuKatanga.

“Ndakabatsirwa nekukasika pandakasvika kukiriniki nekuti mwana ainzwika kugomera. Ndakabva ndanzi ndinange naye kuchipatara cheNorton nekuti mwana ainge arwara zvakaipa oda kuiswa padhiripi. Chiremba vakaongorora mwana vakandibvunza kuti ndaiziva mamiriro eropa rangu here uye neremwana. Ndakavaudza kuti ndaisunungukira kumba naizvozvo handina kumbenge ndakapinda pachirongwa chemadzimai akazvitakura,” akadaro Prisca.

“Ndakabva ndaongororwa ropa mushure mekudzikamiswa hana nekudzidziswa. Ndakawanikwa ndiine utachiona hweHIV. Mwana akatorwa ropa iro rakaiswa pakachipepa rikaendeswa kumalabhoratori kunoongororwawo. Vakanditaurira kuti vana vaishandisirwa nzira inonzi DNA PCR iyo inove yemhando yepamusoro naizvozvo zvaizotora vhiki kuti zvawanikwa zvizivikanwe. Ndakashushikana asi mumwoyo ndainge ndoziva kuti mwana ainge aine utachiona hweHIV seni. Mwana akapiwa mubhedha achirapwa uye akaonekwa aine utachiona hweHIV. Ndinotenda vanachiremba mwana nhasi mupenyu. Ndinoshuvira kuti dai ndakanzwa kuti kune nzira inogona kubatsira mwana wangu asati abata utachiona ndaidai ndakatsvaga mari ndakaenda kunonyoresa kusikero zvino ndaingoti kubereka ndokumwe kumba kana kukiriniki,” akadaro Prisca.

Zvakadaro, kuongororwa ropa ndiyo nzira chete yekuti munhu azive mamiriro ake, akawanikwa aine utachiona hweHIV uye masoja emuropa make adzikira kuve pasi peyavanoti CD4 Count ye500 munhu anobva atangiswa mishonga yemaARV.

Prisca anoti akazoenda nemwana wake mukuru uyo ane makore matatu kuti anoongororwao ropa. Anoti anofara nekuti mwana akawanikwa asina utachiona hweHIV.

“Mwana wangu ane makore matatu akawanikwa asina utachiona ndikafara zvikuru. Nanhasi ndinozvituka kuti dai ndakanyoresa kusikero kudai mucheche uyu nhasi asina utachiona nekuti hanzi zvinokwanisika kuti amai vane utachiona vabereke mwana asina kuburikidza nechirongwa chekudzivirra kuti mwana asatapurire utachiona kubva kunamai chaveko,” akadaro Prisca.

“Ndakadzidziswa kuti ini nemwana tava kunwa mapiritsi kweupenyu hwose. Nyangwe ndasimba kudai handirege zvose nemwana nekuti mapiritsi emaARV haarape utachiona asi kuti anoita kuti hudzikire chete ndikarega zvinoenda nepamwe.”

Mwana waPrisca anonwa maARV ake ari emushonga wemvura (syrup) mangwanani uye manheru.

Kune mudzimai wose akazvitakura enda kusikero unogona kunobhadhara pashoma nepashoma iyo mari inodiwa. Kana zvanyanyooma wotsvaga yebhazi wakananga kumusha nekuti madzimai anosununguka pachena kumakiriniki nezvipatara zvekumusha. Usazoyeuka bako wanaiwa.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>