Dzokororo ine simba: Bellew

17 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Dzokororo ine simba: Bellew

Kwayedza

TONY Bellew acharwa zvakare gore rino zvichitevera kukunda kwaakaita David Haye, sekutaura kwapuromota wake – Eddie Hearn.

Bellew akakunda Haye muround rechi11, uyo akange akuvara chitsitsinho chake ave kusagona kufamba zvakanaka. Izvi zvakaona murairidzi wake – Shane McGuigan – achikanda tauro mudenga semucherechedzo wekuti mutambo ngauchipera.

Haye aimbove WBA World Heavyweight Champion ndokuzokundwa kuThe O2.

Mumutambo uyo Bellew anoti akatyoka ruoko rwake, akataura kuti haazive kuti ramangwana rake rakamira sei.

Asi puromota wake, Hearn, svondo rino akati Bomber – sezita raBellew remadunhurirwa – acharwa zvakare gore rino uye pane fungidziro yekuti anogona kutatsurana naHaye zvakare.

“Ticharwa zvakare gore rino, 100 percent,” akadaro Hearn.

Akaenderera mberi achiti, “Sekutaura kwakaita Tony (Bellew) akati, hurongwa huchabva kwaari pamwe nemhuri yake uye ibasa rangu kumutsvagira mikana yakasiyana nekumurakidza. Ndinovimba kuti mutambo wake naHaye unogona kudzokoredzeka.

“Pane kamwe kapfungwa kari muna Tony Bellew kanoti aida kukunda Haye akanyatsosimba saka pane mibvunzo yakawanda inoda kupindurwa.” – Sky Sports News.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey