‘Dzokororo ine simba’

19 May, 2017 - 00:05 0 Views
‘Dzokororo ine simba’

Kwayedza

ANTHONY Joshua naWladimir Klitschko vanogona kurwa zvakare kuCardiff musi wa28 Gumiguru mumutambo uyo uchaunza mari zhinji.

Joshua, uyo anove shasha yeWBA neIBF, akaenda pamusoro mushure mekunge akunda Klitschko chizvarwa chekuUkraine nguva yadarika pamberi pevatsigiri vanopfura 90 000 kuWembley izvo zvakabva zvaramba zvakachenesa nhoroondo yake mutsiva.

Klitschko hazvisati zvave kuzivikanwa kuti akashandisa here mukana wekuronga mumwe mutambo naJoshua.

Asi puromota waJoshua, Eddie Hearn, akambotaura svondo radarika kuti ‘AJ’ sezita rake remadunhurirwa acharwa naKubrat Pulev, hunge Klitschko akasendeka kutamba tsiva.

Hearn anofunga kuti Klitscho – uyo aimbove unified champion akatonga muboka reheavyweight kwemakore akawanda – achada kurwa zvakare uye kuCardiff ndiko kuri kutarisirwa kuzoitirwa mutambo uyu.

“Ndinofunga kuti Klitschko achaenderera mberi nekuronga mumwe mutambo saka tiri kutarisa mazuva ekuuronga,” akadaro.

“Nhandare yePrincipality haiko muna Mbudzi nekuda kwerugby saka 28 Gumiguru ndiro zuva riripo. Mamwe mazuva muna Zvita nhandare inenge yakasununguka asi hatidi kunonoka kusvika kwese ikoko.”

Klitscho acharwa naJoshua mushure mekunge apedza mwedzi 17 asina kumborwa zvichitevera mutambo wake wekupedzisira uyo akakundwa naTyson Fury wekuBritain muna Mbudzi 2015.

Shasha iyi, iyo inozivikanwa saDr Steelhammer, yakarova Joshua akapunzika kekutanga mumutambo uyu asi ndokuzorikitwa kusvikira yaita chadzimira naJoshua. – SportsMail boxing.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey