Uncategorized

Dzungu rinodarika raShinsoman

20 Oct, 2017 - 00:10 0 Views

Kwayedza

naIgnatius Mabasa —
KUONERERWA anosvika pandakagara nedzungu rinodarika raShinsoman. Ndinosimudza musoro ndoti, “Uri kudei nhai Kuonererwa? Inga wani ndakakuudza kare kuti zvekuonererwa takasiyana nazvo nekuti hazvina bhegi, hazvibhadhare!”`

Asi Kuonererwa haandipindure nemashoko, anobva andigadzikira bhegi rakavharwa. Ndinotarisa bhegi racho, ndobva ndatarisa Kuonererwa ndoti, “Munei umu?”

Kuonererwa anobva anditarisa kunge pfambi iri kusvotwa nemurume ari kuramba kudyira pachirauro chayakanda chenyama yakachenama.

Nezwi rinenge kudaira foni kwemunhu ari muchimbuzi, Kuonererwa anoti, “Vhura uone bhegi rinonzi bhegi. Bhegi rinokuitisa mhezi pese pese.”

Ndinodhonzera bhegi riye pedyo neni. Ndinorivhura, asi mari irimo inondirovesa nehana zvekuti ndinomedza mate zvese nerurimi rwacho, ndosara ndakashama sedoor rekombi.

Mari haidi kungoerekana yauya pauri zvisina yambiro seizvi. Nyangwe wanga uchiitsvaga nemaziso matsvuku, bhegi rakadai rinogona kunge rakatasva bere remamhepo. Ndinotarisa Kuonererwa ndoona achindichonya sezvandakamboitwa nekasikana kaye kakanga kachinditevera kachiti, “Foni yenyu ndeyemari zhinji. Yakanaka semuridzi wayo.”

Ndinotarisa Kuonererwa ndoti, “Izvi ndizvo zvandisingade. Handidi kuswera ndave kuteverwa nemadhikazi.”

Asi senguva dzese, ndinosara ndotsvaga Kuonererwa iye atotsvedza kubva pandiri sehope dzegore rakapera. Ko sei ini ndichiwirirana naye Kuonererwa? Ko sei ndichiti nyangwe ndikange ndazvipira kuti handichada zvachose kutamba naye, ndinozongomuona anditambidza mukombe wandisingagone kuramba kugamuchira?

Saka zvandisiri kugona kuzvibatsira kana kuzvinzvengesa kubva panaKuonererwa, ndinozviziva kuti ndikaramba ndiri pano Manyemwe naKusazvidzora vachabva vasvika vonditora kuti timbonopaza bhegi. Kupaza bhegi ini ndisina kana bhengi akaundi.

Chokwadi ini handisisina kusiyana nemombe inoda kudzorwa kuti isapoye ichinopinda mumunda. Asi mombe iri nani nekuti haipfeke jean nebhachi, kana kupinda mubhawa.

Ndinofunga kuti ndinoda mutemo unondiranga kana ndichinge ndave kupoya. Ndiri mumwe wevaye vakataurwa naJohn Stott kuti, “Mitemo yese yakazovepo nekuti vanhu havasi vekuvimba navo kuti vagadzirise zvinovanetsa pachezvavo vega pasina ari kuda kuti zvinakire divi rake ega.”

Ndizvo zvinoita kuti kana ndikange ndavimbisa neshoko, munhu ati kwete shoko rega harina kukwana, ngatiite zvekunyorerana pasi.

Ndizvo zvinoita kuti misuwo yega isatipe kugutsikana nekugadzikana kusvikira taivhara tikaikiya. Ehe, nyangwe kubhadhara mari yebhazi kwega hakuna kukwana, tinotofanira kunyorerwa tiketi, iwo matiketi acho agozoda kuonekwa nevakuru vebhazi, uye kana tave kuburuka vobva vatitorera.

Mitemo yega haina kukwana, tinoda mapurisa anosunga vanhu vanotyora mitemo nekuti variko vanorarama nekutyora mitemo.

Asi nyangwe iwo mapurisa acho achifanira kusunga vanotyora mitemo, naivowo vave kutodawo mapurisa anovasunga nekuti vave kuita mhandamatsipa nehomwe dzevanhu.

Zvese izvozvi zvekuti hatigone kungorarama tisinganzi, “Iwee, izvozvi unoti uri kuitei?” zvinoratidza kuti pane buri riri kubvinza.

Nhamo yedu ndeyekuti tiri vatadzi. Hatigone kuvimbana pachezvedu.

Tinotoda kudzivirirwa kubva kune uyo neuyo, nyangwe nekudzivirirwa kubva kwatiri.

Manyemwe abva asvika ndave kuda kubuda. Andiudza kuti nhasi tiri kunonwira kune maGafa. Ndarohwa nehana nekuti nezuro ndakarota tichinwa nemaGafa, asi takanga tichinwira mumikombe yakanga yatorwa kubva muchechi yaJehovha. Tichinwa nemaGafa, pane ruoko rwakanyora pamadziro emwoyo wangu kuti:

Gafa, kana vanhu vakakukwidza pastage pane magetsi

Kana vanhu vakachema nekufara vachiimba chimbo chako,

Usafarise uchibhabhauka nekuti hakuna bhebhi raMwari.

Share This:

Sponsored Links