Uncategorized

Dzvi achidyara heji paguva remutorwa

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Dzvi achidyara heji paguva remutorwa

Kwayedza

— ‘Mweya wake wandishupa’

Muchaneta Chimuka —
MURUME harahwa weparimwe purazi riri kuKadoma — wekuoneswa moto nemweya wemushakabvu uyo waaishandira pamusha pake — anonzi akazonodyara miti yeheji paguva remutorwa uyu senzira yekutsipika mushakabvu asamupfukire.

Izvi zvakabuda mudare raIshe Ngezi nemusi weMugovera svondo rapera apo Josphat Banda (70) akamiswa mudare iri achipomerwa mhosva yekudyara heji paguva raTrust Mutengwende uyo waaishandira pamusha pake.

Nyaya iyi yakamhan’arwa kudare iri nemudzimai wemushakabvu – Mai Tapiwa Mutengwende.

Ishe Ngezi, VaPeter Pasipamire, vari kuenderera mberi nekutonga nyaya iyi uye Banda achapihwa mutongo wake neChishanu svondo rino.

“Tichamupa mutongo wake nomusi weChishanu asi pari zvino takamuti aende anodzura heji yaakadyara paguva remuridzi, mutorwa. Banda ange ari mushandi pamba pemushakabvu uyu zvekare zvinonzi vakambonetsana nenyaya yepeyi.

“Mutengwende akarwara kwemazuva angaita mana achibva angoshaya,” vanodaro.

Banda, vanodaro Ishe Ngezi, paakamiswa pamberi pedare ravo, haana kuramba mhosva iyi.

“Takamubvunza chikonzero chekudyara heji paguva remutorwa akabvuma kuti akaita izvi mushure mekushungurudzwa nemufi uyo waanoti ari kuuya kuhope kwake pasina zororo. Anoti chero masikati machena agere zvake, anogona kuona mufi uyu mumaziso ake.

“Banda anoti akafamba kuchivanhu achida kuti dambudziko rake ripere kunova kwaakanopihwa heji yekuti adyare paguva remufi zvinova zvaakaita,” vanodaro Ishe Ngezi.

Vanoti mushure mekudyara heji iyi, Banda anoti ndipo akambowana zororo rekusaona mufi achiuya kwaari.

Ishe Ngezi vanoti, sekuona kwavo, hapana umboo hwekuti Banda ndiye akakonzeresa rufu rwemushakabvu uyu kana kuti kwete, asi zviri pachena kuti akanodyara heji paguva remutorwa achiti aoneswa ndondo nemweya wemushakabvu.

Pasi pemutemo weCriminal Codification Act Chapter 110 neChapter 111 imhosva kuti munhu aite zvinokanganisa mutumbi wemushakabvu kana makuva.

Share This:

Sponsored Links