Ebola: Chinombori chirwere hwai?

24 Oct, 2014 - 09:10 0 Views
Ebola: Chinombori chirwere hwai?

Kwayedza

CHIRWERE cheEbol, icho chanetsa kunyika dziri kumadokero kweAfrica kunyanya, chinokonzerwa neutachiona hunonzi Ebolavirus kana kuti Hemorrhagic Fever. Chirwere ichi chinobata vanhu nedzimwe mhuka dzinoyamwisa vana vadzo mukaka.
Zviratidzo zveEbola zvakaita sei uye chinotapurirwa sei?

Zviratidzo zveEbola zvinotanga kuonekwa mushure memazuva maviri kana kuti masvondo matatu ekuchibatira apo murwere anenge achipindwa nechando, kukosora maronda epahuro, kurwadziwa netsinga, kutemwa nemusoro, kurutsa, kuita manyoka, kumera mapundu mumuviri zvichikonzerwa nekukundikana kushanda zvakanaka kwechiropa uye itsvo, kubuda ropa nechemukati memuviri kana kuti panhengo dzemuviri dzakadai semumhuno, mumuromo nemimwe mitezo.

Murwere anogona kuita zviratidzo zvechirwere chemalaria sekudziya kwemuviri kwakanyanya kana kuita seane flu.
Zviratidzo zveEbola izvi zvinogona kuvhiringa sezvo zvakangofanana nezvimwe zvirwere zvinowanzobata vanhu sechikosoro nemanyoka. Kana murwere achinge asina kubatsirwa nenguva, anogona kurasikirwa neupenyu mukati mamazuva manomwe kusvika pamazuva 13 nekuti mitezo yake yemuviri inenge isisashande zvakanaka.

Rumwe ruzivo rwakabva kudandemutande reWiki Loves Africa rwunoratidza kuti varume vanenge vapukunyuka muhurwere uhwu vanogona kuparadzira chirwere ichi kuvadikani vavo kuburikidza nekusangana pabonde panguva yemwedzi miviri.

Kana munhu achiongororwa Ebola, zvimwe zvirwere zvakaita semalaria, cholera, kukosora zvinotanga zvavhenekwa.

Chirwere cheEbola chakatanga nekumhuka chichienda kuvanhu kuburikidza nekusangana kwavanoita nenzira dzakasiyana.

Ebola inokonzera chikamu chendufu chinoita 50% uye yakambokonzera chikamu che25-90% chendufu payakambonyuka mumakore adarika.

Ebola yakatanga kupi?
Ebola yakatanga mugore ra1976 apo kwakabuda nyaya mbiri dzechirwere ichi kunzvimbo inonzi Nzara, kunyika yeSudan neimwe yaiva kuYambuku, kuDemocratic Republic of Congo, inova yakazotekeshera munzvimbo iyi pedyo nerwizi rwunonzi Ebola. Ndipo pakazobva zita rechirwere ichi.

Ebola inorapika  HERE?
Ongororo ichiri kuitwa kune dzimwe nyika kuti chirwere ichi chinge chichiwanirwe mushonga. Asi pari zvino hakusati kwave nemushonga une rezinesi unorapa chirwere ichi.

Zvakakosha kuti kana munhu achinge aonekwa aine zviratidzo zvechirwere ichi akasike kuwaniswa rubatsiro rwekurapwa pamwe nekuwaniswa mvura yakakwana mumuviri senzira yekudzoreredza mvura yaanenge achirasikirwa nayo.

Vanhu vari munharaunda ine chirwere ichi vanofanirwa kuwaniswa ruzivo rwakakwana maererano nenzira kana matanho avangatore kuti chisapararira.

Marabhoritari anofanira kunge aine michina yakakwana inogona kuvheneka chirwere ichi pamwe nekuronda nharaunda dzine vanhu vange vachisangana nevanhu vanenge vabatwa nechirwere ichi.

Kana pachinge paita ndufu dzevanhu vanenge vafa nekuda kwechirwere ichi, panofanira kunge pane mavigiro akanaka anoita kuti chisapararire.

Zvakakosha zvekare kuti vashandi vemuzvipatara nevemumarabhoritari vange vakapfeka zvipfeko zvinoita kuti vachengetedzeke apo vanenge vachibatsira varwere vane Ebola kana pakuvheneka chirwere ichi.

Vanhu vari kukurudzirwa kuti vange vachiregedza kusangana nemhuka dzakadai sezviremwa-remwa, zvimupanzi, tsoko kana kudya nyama dzemhuka dzisina kubikwa zvakakwana nekuti ndizvo zvimwe zvinopa mikana yekuparaira kweEbola.

Zvakadai, sangano reWorld Health Organisation rinoti riri kuedza nepose parinogona kuti chirwere ichi chisaparaira kunyika dzakasiyana.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey