Ebola, chivanhu nechitendero

21 Nov, 2014 - 00:11 0 Views
Ebola, chivanhu nechitendero

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
PANGUVA iyo Ebola iri kuramba ichitekeshera kunyika dzekuWest Africa nekumamwe matunhu, kune chimwe chikwata chevanhu chinoda chenjedzo yakasimba, sevarapi vechivanhu nevemakereke kana maporofita. Vamwe vavo vari kutsanya siku nesikati apowo vamwe vachikanda hakata kuedza kubvunza kuvadzimu kuti chirwere rudzii chapinda muvanhu vepasi rino.

Asika, kuita uku ngakuregedze kuva kuedza kuteya nzou neriva nekuti chirwere ichi hachisati chawanirwa mushonga. Ndinodaro nekuti kune vamwe varapi vechivanhu, vemakereke nemamwe machiremba muzvipatara avo vari kuzvishambadza pamadandemutande kuti vanogona kupedza chirwere cheEbola.
Sei kuzvishambadza?

Nyaya huru ndeye kutsvaga kurarama nokudaro vari kuti vanokwanisa kupedza chirwere ichi asi uku kuri kuda mari bedzi.
Vamwe vanenge vachida kubira vanhu mari dzavo nekuti vanoti mari ngaitumirwe kumabhanga avo nehama dzemurwere apo vamwe vachiti vanonamatira varwere ava panhare pamwe nekutumira mishonga. Ruzivo rwechizvino-zvino rwemakombiyuta rwave kuita kuti vanhu vabirwe zviri nyore, mbavha dzacho dzichinetsa kuronda nekuti dzinoshanda dziri muzvikwata uye vari munyika dzakasiyana (cyber crime).

Maguruvhani mazhinji anotora mukana wedambudziko rinenge riripo, iro rinenge richida rubatsiro rwechimbi-chimbi kuti vabire vanhu.
Zvakadaro, ongororo yakaitwa nanamazvikokota veutano inoratidza kuti varwere vazhinji munyika dzichiri kusimukira vanotanga vaenda kunotsvaga rubatsiro kuvarapi vechivanhu nevemakereke vasati vaenda kuzvipatara.

Zvino zvoitwa sei?
Kana murwere weEbola achinge atanga kushanyira godobori achifunga kuti kuroiwa panoitwa sei?
Iri ndiro danho guru rekutanga rinofanira kuitwa, rekufundisa varapi vechivanhu nevemakereke kuti vange vakazvidzivirira nguva dzose nekuti havana michina yekuvheneka zvirwere sezvinoitwa muzvipatara.

Zvakare, imhosva huru kuti varapi ivava vange vachizvipembedza kuti vanogona kurapa zvirwere izvo zvinenge zvisati zvawanirwa mishonga zvakadai seAids neEbola.

Varapi ava vodini?
Ebola inotapurirwana kuburikidza nekubatana mawoko kana kusangana neane chirwere ichi saka varapi verudzi urwu voita sei?
Kazhinji tinoona varapi ava vachitema nyora kuvarwere zvekuti munhu anojuja ropa asi vasina kupfeka magirovhosi ekuzvidzivirira.
Kumakerekewo, vafundisi, mabhishopi nemaporofita vanobata misoro yemazana nemazana evanhu nezvanza zvavo vasina kuzvidzivirira. Hatidi kuti vanhu vazoyeuka bako vatonaiwa kare nekuti rufu, rufu kana munhu achinge aenda kwamupfiga nembwe haazodzoke zvekare kuvapenyu.

Hongu, tine tsika nemagariro edu zvinofanira kuchengetedzwa asika, chinotanga upenyu kuti tsika idzodzo dzigoramba dzichichengetedzeka.

Share This:

Sponsored Links