Ebola nemhirizhonga

30 Jan, 2015 - 00:01 0 Views
Ebola nemhirizhonga

Kwayedza

EBOLA
Muchaneta Chimuka

NYAYA dzemhirizhonga uye rusarura kuvanhu vane chirwere cheEbola dziri kuonekwa dzichiwanda zvikuru kunyika dziri kudunhu reWest Africa, uko kwanetsa denda iri. Mhirizhonga iyi inosanganisira kurohwa, kuuraiwa pamwe nekusemwa kwevanhu vane chirwere ichi. Munguva pfupi yadarika, kune varume vaviri vanonzi vakauraiwa negurumwandira revanhu munyika yeGuinea mushure mekunge paita fungidziro yekuti vanogona kudaro vakange vari kufamba vachiparadzira chirwere cheEbola munharaunda yavo.

Varume vaviri ava vanonzi vakapondwa nechaunga uye mitumbi yavo ndokupiswa pakarepo apo chikwata chevanhu vakange vachiratidza kugumbuka nekuda kwekunyanya kupararira kuri kuita chirwere ichi chakavarwisa.

Nyaya dzemhirizhonga apo vanhu vari kuedza kurwisa Ebola dziri kuramba dzichiwanda muGuinea, zvikuru kuchamhembe kwenyika iyi.
Imwe nyaya yerudzi urwu yakaitika mumwedzi waGunyana gore rapera, kuSouth Western Village apo chimwe chikwata cheboka reEbola Prevention Campaign chinonzi chakauraiwa nevanhu vemunharaunda iyi.

Zvakadaro, kuburikidza nemhirizhonga yakadai, vana vanosara dzave nherera, vanhu vane mikana yekusungwa, makambani anoderera munyaya dzebudiriro apo vashandi vanenge vachirovha mabasa nekuda kwehurwere uye zvipatara nehurumende zvinodhurirwa nekutsvaga mishonga nezvekushandisa kuti vabatsire vanhu vanenge vawirwa netsaona dzemhirizhonga.

Kunze kwekuswerorwisana, zvave kuda kuti vanhu vange vachiwaniswa ruzivo maringe nezvekuipa kwechirwere ichi pamwe nenzira kwadzo dzekupedza mhirizhonga nekuti zviviri izvi zviri kuonekwa zvichiunza makuva mazhinji uye nzara neurombo.

Share This:

Sponsored Links