Ebola: Zvikoro zvava kuzarurwa

27 Feb, 2015 - 14:02 0 Views
Ebola: Zvikoro zvava kuzarurwa VAMWE vana vepane chimwe chikoro chekuLiberia vachigeza mawoko vasati vapinda muchikoro. Zvikoro zvizhinji zvekunyika iyi zvakazarurwa masvondo maviri adarika mushure mekumbovharwa kwemwedzi mitanhatu nekuda kweEbola.

Kwayedza

VAMWE vana vepane chimwe chikoro chekuLiberia vachigeza mawoko vasati vapinda muchikoro. Zvikoro zvizhinji zvekunyika iyi zvakazarurwa masvondo maviri adarika mushure mekumbovharwa kwemwedzi mitanhatu nekuda kweEbola.

VAMWE vana vepane chimwe chikoro chekuLiberia vachigeza mawoko vasati vapinda muchikoro. Zvikoro zvizhinji zvekunyika iyi zvakazarurwa masvondo maviri adarika mushure mekumbovharwa kwemwedzi mitanhatu nekuda kweEbola.

Muchaneta Chimuka
ZVIKORO zvinodarika 100 zvekuLiberia, izvo zvakange zvambovharwa kwemwedzi mitanhatu yadarika nekuda kweEbola, zvakazarurwa masvondo maviri adarika. Izvi zvakambokanganisa dzidzo nekuda kwekuti vadzidzi vakatora nguva refu vari kudzimba apo zvikoro zvange zvakapfigwa.

Vatungamiriri venyika dzinoti Liberia neSierra Leone vakatsidza kurwisa chirwere cheEbola, icho chauraya vanhu vanodarika 9 000 kuWest Afica kusvika pari zvino, dakara chapera panosvika mwedzi waKubvumbi gore rino.

Zvichitevera kuzarurwa kwezvikoro izvi, varairidzi vakadzidziswa nzira dzekudzivirira kupararira kweEbola kuti vagopakurirawo vadzidzi.
Zvakadai, sangano reUnicef rakabatsira nezvekushandisa zvakaita sesipo pamwe nekupa chenjedzo kuvanhu vemunharaunda pamusoro pechirwere ichi.

Ebola inouraya vanhu vakawanda munguva diki uye inopararira zviri nyore kuburikidza nekusangana nemvura yemumuviri wemunhu anayo kana mhuka uye mvura idzi dzinogona kunge dziri dzekukosorerana, kurutsa, dikita, ropa nezvimwe.

Nyika yeLiberia ndiyo yakanyanya kufiwa nekuda kwechirwere ichi apo vanhu vanosvika 3 800 vakarasikirwa neupenyu kubvira kutanga kwachakaita.

KuGuinea, iyo yakavakidzana neLiberia uye kunova kwakatanga nechirwere ichi gore rapera, zvikoro zvakatozarurwa nguva yadarika asi vamwe vabereki vachiri kuchengeta vana vavo kudzimba nekutyira kuti vanogona kunotapurirwa utachiona hweEbola kuchikoro.

Kunyika yeSierra Leone, uko uturu hwechirwere ichi huchiri pamusoro, zvikoro zviri kutarisira kuzarurwa kupera kwemwedzi uno.
Sangano reUnicef pamwe chete nereInternational Rescue Committee Aid Agency ari kubatsira zvikuru mukurwisa Ebola kunyika nhatu idzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey