Uncategorized

EcoCash yobatana neMukuru

30 Sep, 2016 - 00:09 0 Views
EcoCash yobatana neMukuru

Kwayedza

 Zvava nyore kuvanhu vari kunze kutumira mari muZimbabwe

VAGARI nevashandi vari kuSouth Africa vave kukwanisa kutumira mari zviri nyore dzichipinda mumaEcoCash ehama neshamwari dzavo dziri muZimbabwe ipapo-ipapo.Izvi zvakaziviswa nemusi weChitatu svondo rapera apo kambani yeEconet yakaparura hushamwari hwayo neMukuru Money Transfer yekuSouth Africa.

Vachitaura pachiitiko ichi, chamangwiza weEconet, VaDouglas Mboweni, vanoti: “Hushamwari hwavambwa pakati peEconet neMukuru Money Transfer huchabatsira, kwete mhuri dzine hama dziri mhiri chete, asi Zimbabwe yose zvayo panguva ino apo nyika yakatarisana nedambudziko rekushaikwa kwemari.”

Chiri kunyanya kufadza ruzhinji rweZimbabwe ndechekuti zvitoro zveEcoCash zvatekeshera nyika yose uyewo mari inenge yatumirwa munharembozha neEcoCash inokwanisa kushandiswa ketenga muzvitoro nekubhadhara zvakasiyana-siyana pasina kuti munhu atange aiburitsa kubva munharembozha yake.

Vakuru veEconet neveMukuru vakange varipo pachiitiko ichi.

VaAndré Ferreira naVaMichael Cook avo vakange vakamirira Mukuru vakasimbaradza kuti chakanyanya kuvakwezva kuti vashande neEcoCash ndechekutekeshera kwakaita EcoCash muZimbabwe.

‘‘Vakapa muenzaniso wekukosha kwakaita hama neshamwari dziri kuJerera, kuMasvingo, kana kuBinga, kuMatabeleland North, avo vasingachafaniri kushushikana nekufamba nzendo refu kuti wawane mari yavo.

Share This:

Sponsored Links