Uncategorized

Econet yaunza Data Double Up

31 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Econet yaunza  Data Double Up

Kwayedza

Tandayi Motsi —
KAMBANI yeEconet Wireless iri kuenderera mberi nekuvandudza zvirongwa zvayo nedonzvo rekuzadzisa zvido zvemakasitoma ayo uye ichangobva mukuparura chirongwa cheData Double Up Campaign, icho chinopa mukana wekuenda paWI-FI nechikamu che100% pachena kune vose vanenge vatenga ma”data bundles” kuburukidza nenzira inoti #143#.

Pamusoro pezvo, pave zvakare nema”Weekly Data Bundles” anotangira pa$0,50 cents uye kuburikidza ne”Smart Data Network”, makasitoma anokwanisa kuenda padandemutande (Internet) zviri nyore.

Chamangwiza weEconet Wireless, VaDouglas Mboweni, vanoti donzvo ravo nderekuzadzisa zvido zvemakasitoma avo.

“Tinonzwisisa zvikuru basa rakakosha rinoitwa nedandemutande, kwete kumararamiro edu chete, asi mukusimukira kwenharaunda zvichienderana nekuzadziswa kwezvinangwa zveSustainable Development Goals (SDGs). Kuburikidza nemabasa atinoita, tinoda kupa makasitoma edu hukoshi pamwe nekuti vanzwe kusununguka nekusarudza zvavanoda kushandisa,” vanodaro.

Vanoti zvirongwa zvazvo zvinoenderana nemunhu mumwe nemumwe sekuti ari mubhizimisi rekutengesa here kana kuti mudzidzi anokwanisa kufunda achishandisa dandemutande.

VaMboweni vanoti zvakare vadzidzi vari kupuraimari vanokwanisa kuwana fundo pachena kuburikidza nechirongwa chavo cheRuzivo Digital Learning.

“Tine nzvimbo dzinobata masai-masai eWI-FI dzinodarika 300 munyika yose uye tiri kuramba tichidziwedzera,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey