Ema yakapa mabhasikoro

05 May, 2017 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
SANGANO reEnvironmental Africa svondo rapera pamberi rakapa varimi vekuGuruve kuMashonaland Central mabhasikoro 49 ayo achabatsira kuti vafambise zvirongwa zvekurima pamwe nekuchengetedzwa kwenharaunda.

Mabhasikoro aya akapihwa pazuva rekumemwa kwemunda wemurimi mukuru wemunharaunda iyi, VaRonny Mupfurutsa nemudzimai wavo Monica Hamadziripi vekwaSabhuku Maphios Mupfurutsa kwaMambo Chipuriro.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, mumiriri weGuruve South mudare reNational Assembly – Cde Patrick Dutiro – vanoti vanotenda Hurumende nekutsigira varimi pasi pechirongwa chePresidential Input Scheme necheCommand Agriculture.

“Tinotenda zvikuru mutungamiriri wenyika President Mugabe nechirongwa chekuwanisa varimi zvekushandisa zvakadai sefetereza, mbeu, mishonga nezvimwe nenguva. Izvi zvakabatsira kuti nzvimbo yeGuruve ive nemaguta. Tinotenda zvakare veEnvironmental Africa nekupa varimi vemuno mabhasikoro 49 ayo achavabatsira mukufambisa zvirongwa zvekurima nekufundisa vanhu kuti vachengetedze nharaunda, zvikuru sei panhau yekutema miti,” vanodaro.

Vachitaura pachiitiko ichi, Retired Brigadier-General Walter Epmarcus Kanhanga vanove mumiriri weGuruve North mudare reNational Assembly vakatenda Environmental Africa nechipo chemabhasikoro ichi vachiti achabatsira varimi mukufambisa basa ravo zvikuru.

“Tinonzwa kudada nevarimi vemuno vanova vakagona kushandisa ivhu ravakapihwa neHurumende nemazvo.

“Kana kuine maguta tinoziva kuti nyaya dzebudiriro dzinoendeka nekuti munhu wese anenge achikwanisa kushanda kungave kumahindasitiri kana kuita mamwe mabasa emawoko aine mufaro zvinoita kuti nyika ibudirire zvichideredza kuparwa kwemhosva. Zvakare, tine vanhu vari kurarama neutachiona hweHIV vanoda kudya kunovaka muviri kuitira kuti mishonga yavari kutora yemaAnti-retroviral drugs inge ichishanda nemazvo mavari,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Hatidi vanhu vanongomiririra kupemha asi tinoda kuti muve varimi vane hunyanzvi hwekugona kurima.

“Tinofara zvikuru kuti veEnvironmental Africa vakupai mabhasikoro kuti muvandudze nyaya dzekurima nekuti kana mukangomirira madhona neHurumende kuti vakupei chikafu munowana zvinhu zvenguva iyoyo zvisingaendeki.”

VaMunyaradzi Kaundikira vanove project manager kusangano reEnvironmental Africa vanoti vane mabhindauko avari kuita ekushanda nevarimi vekuGuruve nekwaZvimba vachivadzidzisa nyaya dzekuchengetedzwa kwenharaunda.

“Takapa mabhasikoro 49 kuvarimi vekuGuruve nemamwe 49 kune vekwaZvimba kuti vange vachimashandisa mukufambisa zvirongwa zvekuchengetedzwa kwenharaunda. Vachange vachikokera vamwe varimi kumisangano iyo vanenge vachipakurirana ruzivo,” vanodaro.

Zvakadai, Mai Monica Hamadziripi vanoti vakarima zvirimwa zvinosanganisira mapfunde, chibage, maringazuva, nzungu, nyimo, nyemba, zviyo nebhinzi uye vari kutarisira goho guru.

“Tine madhumeni aitibatsira mukurima saka ndinofara zvikuru kuti ndakasarudzwa saLead Farmer weWard 5 muno muGuruve mushure mekuonekwa kuti ndakagona kutevedzera zvaidiwa mukurima kwemasutso nekurima kwekushandisa gejo,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey