Environmental Management Agency yoshanda pamwe nezvikoro

23 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Environmental Management Agency yoshanda  pamwe nezvikoro

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
SANGANO reEnvironmental Management Agency (EMA) riri kushanda pamwe chete nezvikoro mumabhindauko ekugadzira zvinhu zvakasiyana kubva mumarara nedonzvo rekuchengetedza nharaunda, izvo zvinoenderera negwaro idzva reNew Curriculum rinokurudzira zvidzidzo zvemabasa emawoko.

Zvikoro zvine chitsama zvepuraimari nesekondari zvakatoumba mapoka eEnvironmental Club zvichibatsirwa neEMA.

Svondo rapera, vana vakabva muzvikoro zvinodarika 30 zvemuHarare vakaratidzira zvinhu zvavanogadzira kubva mumarara pazuva guru reWorld Environment Day iro rakaitirwa kuMukuvisi Woodlands.

Vana ava vakaratidzira zvinhu zvakaita semabhini, dzimba nematafura izvo vari kugadzira kubva mumarara.

Vachitaura pachiitiko ichi, mumiriri wenyika yeItaly muZimbabwe, VaEnrico De Agostini – avo vaive muenzi anoremekedza – vanoti vanofara nechirongwa chekuchengetedzwa kwenharaunda, zvikuru kana chichifambiswa nevana vechikoro.

“Zvinhu zvese zvinotanga nevadiki kuti zvinge zvichitambirwa munharaunda. Tinofara nehunyanzvi hwataona pano apo vana vari kuratidzira zvinhu zvakanaka kwazvo zvinobva mumarara. Hatidi marara anongoraswa pese-pese,” vanodaro.

Kwayedza yakaitawo hurukuro nevana vezvikoro zvakasiyana pamwe nevarairidzi pamusoro pezvigadzirwa izvi.

“Pachikoro chedu takaumba chikwata chinoona nezvekuchengetedzwa kwenharaunda nekuti tinoda kuona nzvimbo dzatinogara nedzatinodzidzira dzakachena. Tinotora marara emapepa, magaba kana esimbi tichigadzira zvinhu zvatinoshandisa mudzidzo zvakaita semhuka nezvimwe,” anodaro Tinevimbo Chombe uyo ari kuita Grade 7 paHighlands Primary.

Mashoko ake anotsinhirwa naZoe Damoon ari kuitawo Grade 7 pachikoro chimwe chete ichi achiti atove nehunyanzvi hwekugadzira zvinhu zvakawanda kubva mumarara.

“Zvinhu zvizhinji zvandinogadzira ndinozvishandisa mudzidzo. Ndinoshandisa makadhibhokisi mukugadzira imba, chimbuzi, tafura nezvimwe,” anodaro.

Murairidzi wavo, VaNomore Masara, vanotenda bazi redzidzo yepuraimari nesekondari nekuunza kwarakaita New Curriculum iyo inokurudzira kudzidziswa kwemabasa emawoko.

“Tinoda kuti vana vazive nyaya dzekuchengetedzwa kwenharaunda sezvo zvichibatsira kuti vagoenda kudzimba dzavo neruzivo urwu vachinopakurira vamwe. Kana vana vakadzidza mabasa emawoko, havanetse kunyangwe vari kumba nekuti vanenge vachingoratidza hunyanzvi hwavo.

“Izvi ndizvo zvinoitwa nevana vekune dzimwe nyika sekuChina kunova kunobva zvidhori zvatinozotengeserwa muno. Zvese izvi zvinogadzirwa nevana zvichitouya kuzotengeswa muno. Tiri kutoumba nyanzvi dzekuveza dzichazoita sanaDominic Benhura magwana,” vanodaro.

William Matizamhepo ari kuita Grade 6 paChizungu Primary, kuEpworth anoti pachikoro pavo vanogadzira mabhini kubva mumarara.

“Tinonhonga majusi kadhi ayo anongoraswa nevanhu pese-pese tichigadzira mabhegi nemabhini nekuti takaona zvichibatsira mukuchengetedza nharaunda,” anodaro.

Tadiwa Hoko wekuDzivaresekwa Secondary anotiwo vane kirabhu yerudzi urwu pachikoro chavo uye vanoshandisa marara ese mukugadzira zvimwe zvinhu zvakakosha muupenyu.

Musi uyu, vana vepaChiremba Primary, kuEpworth vakaratidzirawo mishonga yechivanhu inorapa zvirwere zvakasiyana yavanogadzira kubva mumiti.

Chen Chen Zha, uyo anodzidza paSt John’s College anoti anogadzira mushonga wekuchenesa mvura kubva mumarara emabhanana nemhodzi dzemuti weMoringa.

“Zvandiri kugadzira zvichabatsira zvikuru vagari vekumaruwa avo vanowanzoita dambudziko rekunwa mvura inobva munzvimbo dzisina kuchengetedzeka. Ndinogadzira mushonga wechivanhu unobva mumarara emabhanana akaomeswa ayo tinogaya tosanganisa nemhodzi dzeMoringa zvichiita kuti utachiona hwese hunowanikwa mumvura hufe,” anodaro.

Mhemherero dzeWorld Environment Day dzinocherechedzwa nomusi wa5 Chikumi gore rega-rega uye gore rino dzakaitwa pasi pedingindira rinoti, “Kubatanidza Vanhu Nezviwanikwa”.

Share This:

Sponsored Links