Enda kwachiremba: Dr Moyo

01 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Enda kwachiremba: Dr Moyo

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MUKURU wechipatara cheChitungwiza Central Hospital, Dr Obediah Moyo, vanoti mukadzi ari kuti amera zvinhu zvinenge nyanga dzembudzi kusikarudzi yake anogona kunge aine chirwere chepabonde chinodaidzwa kuti “genital watts” kana chegomarara.Dr Moyo vanomukurudzira kuti aende kuchipatara kunorapwa nekuchimbidza. Asi mukuru wesangano rinomirira vanachiremba vechivanhu, reZimbabwe National Practitioners Association, VaFriday Chisanyu, vanoti Tsitsi anogona kunge ari kushandiswa nezvikwambo kana kuti zvidhoma achiitwa mukadzi.

“Inyaya iri pachena, nhumbu yakanyangarika ndokutanga kumera zvinhu kunhengo dzake ukuwo mazamu achibuda mukaka? Zvikwambo izvi,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links