Fall armyworm yorwiswa

21 Dec, 2017 - 00:12 0 Views
Fall armyworm yorwiswa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka —
NYANZVI dzezvekurima mudunhu reSouthern African Development Community (Sadc) dzoita mushandirapamwe wekurwisa makonye efall armyworm ayo ari kuparadza zvirimwa zvikuru munyika dzakasiyana.

Makonye aya ndeemhando itsva mudunhu reSadc uye anoparadza goho zvakanyanya mukati menguva duku. Anokwanisa kuramba achingonyuka kakawanda mushure mekufiritwa kwe- zvirimwa.

Musangano uyu wakavapo kuburikidza nemushandirapamwe wemapoka akasiyana nechinangwa chekukwasha rutsigiro rwekurwisa makonye aya uye wakarongwa nesangano reFood and Agriculture Organisation (FAO).

VaDavid Phiri, vanove murongi mukuru kusangano reFAO, vanoti nyanzvi zhinji dzinoti mhando yemakonye aya acharamba ariko zvinova zvichakanganisa kuwanikwa kwechikafu munyika.

“Tichine mukana wekudzivirira makonye aya asati anyanya kupararira kuburikidza nekushanda nevarimi tichivapa ruzivo uye kusimudzira mizinda inoona nezvekudzivirirwa kwawo,” vanodaro.

Vanoti mwaka wadarika mahekita mazhinji ezvirimwa akaparadzwa nemakonye aya munyika dzakasiyana.

“Mwaka wadarika, Botswana yakarasikirwa nemahekita 27 000, Malawi 138 000, Namibia 23 000, Zambia 280 000 apo Zimbabwe yakarasikirwa negoho rakanyanya kupinda dzimwe nyika sezvo takarasikirwa nemahekita 1,5 miriyoni,” vanodaro.

VaPhiri vanoti sangano ravo rinoda kushanda nevatori venhau vemapoka akasiyana kuti vange vachikusha mashoko echenjedzo kuvarimi.

“Pasina vatori venhau varimi havangawani zivo. Tine varimi vadiki vari kurima chibage kunyanya asi paongororo yakabva kuitwa zvakaonekwa kuti dzimba zhinji dzave kupona nekudya mupunga, bhinzi nekumwe kudya kwakareruka uko kwaiwanzotorwa sekudya kwevanhu vari munyika dzakasimukira. Nokudaro ibasa revatori venhau kuti vange vachipa chenjedzo kuvarimi kuti varime kudya kunofarirwa nevanhu mazuva ese kuitira kuti vawane misika yemuno neyekunze,” vanodaro.

Dzimwe nhengo dzakapinda mumusangano uyu dzinosanganisira vamiriri vesangano reCommon Market for Eastern and Southern Africa (Comesa), varimi, nyanzvi dzeongororo nevamwe vatsigiri.

Share This:

Sponsored Links