Fambidzana neKwayedza

06 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Fambidzana neKwayedza

Kwayedza

. . . kuti ubatsirikane

Munyaradzi Gunduza—

MABHUKU ese atichange tichiongorora muchikamu chino ndiwo achanyorwa mubvunzo dzeShona pepa 2 kupera kwegore rino. Mabhuku  aya ari mubvunzo dzinotanga Mbudzi 2017 kusvika Chikumi 2019 uye anosanganisira Mutakunanzva Wenhetembo, Museve Usingapotse, Pfuma Ndeyamaoko, Dare Retariro naKereke Inofa.

Mabhuku ese aya tichaaongorora tichishandisa mibvunzo nemhinduro.

Chikuru chinoita kuti chikamu chino chinyorwe ndechekuti mwana wechikoro akapedza kuverenga mabhuku enganonyorwa anofanira kuverengawo Kwayedza achiona mabvunzirwo anoitwa mibvunzo yeuvaranomwe yakasiyana-siyana nemapindurirwo ayo. Bepanhau rino rinokurudzira mwana wechikoro kuti afarire chidzidzo cheShona sezvo richimurerutsira pakuita ongororo yenhetembo nemabhuku enganonyorwa uye kumupa unyanzvi hwakadzama hunozomubatsira muzvidzidzo zvemberi.

Mapindurirwo emibvunzo yenhetembo:

Kana uchipindura mubvunzo wenhetembo, tanga wanzwisisa zvauri kuda usati waedza kupa mhinduro. Nzira ingangokuitira nyore kutanga nekutara mazwi aunoona sekunge ndiwo makuru anoumba mubvunzo usati waisa pfungwa dzako pasi. Wadaro, kokorodza zvese zvaunofunga kuti zvinowirirana nemubvunzo, zvinokubatsira kupa mhinduro yakanaka.

Wasvika padanho iri, ronga pfungwa idzi uchiona kuti imwe neimwe yawabura inowana tsigiro inobva mudetembo sezviri kukumbirwa nemubvunzo. Kana wagutsikana kuti wanzwisisa mubvunzo zvechokwadi, chitanga nekunyora nhanganyaya.

Nhanganyaya haipiwe zvibodzwa paShona yeO-Level, asi yakanakira kuti inoyanika zvauchanyora pachena. Nhanganyaya yenhetembo inoburitsa mazita enhetembo navananyanduri vadzo chete asi zvichienderana nezvinodiwa nemubvunzo.  Chekutanga pakuumba mhinduro dzemukati kuburitsa pfungwa iri kuenderana nezvikumbiro zvemubvunzo yopiwa tsigiro inobva mudetembo. Chinonzi tsigiro mienzaniso yepfungwa dzanyanduri dzinowanikwa mudetembo.

Zivai kuti tsigiro inogona kupiwa sezvairi mudetembo kana kuipfupikisa asi isingashanduri zvinorehwa nanyanduri. Tsananguro yaunopa yezvinhu zvinobuda mudetembo haifaniri kunyanyisa kudzokorora mashoko ari patsigiro.

Zvinotarisirwa kunhetembo:

Zita ranyanduri rinonyorwa nenzira inokurudzirwa sekudai; Alouis T. Sagota, Liveson Tatira zvichingodaro. Musoro wedetembo unonyorwa sezvawakaitwa nanyanduri sekuti; “Ndiko kunamata here?, Handifi ndiri roja!” Kwete kusiya vara guru, chikuwo kana chibvunzo chakashandiswa nanyanduri nekuti chine zvachinoreva pakuumbiridza pfungwa yake. Mazita enhetembo nemazita avananyanduri haafanire kupesaniswa nekuti ukadaro zvinokushaisa zvibodzwa. Nyanduri wenhetembo yauri kunyora ngaazivikanwe nezita rake sezvariri mubhuku rinonzi Mutakunanzva Wenhetembo.

Zvinonyanya kutadzwa kunhetembo:

Unogona kuona mudzidzi achiti; Mudetembo rinonzi Bhiipii, nyanduri anotirayira kuti tinofanira kugara tichiongororwa chirwere chebhiipii kuzvipatara. Kana adai anenge atopedza. Izvi zvinoita kuti akundikane pabvunzo nekuti haana kupa tsigiro yacho inobva mudetembo naizvozvo hapana chibodzwa chaanopiwa.

Mapindurirwo emibvunzo yemabhuku:

Pakupindura mibvunzo yemabhuku unofanira kuburitsa pfungwa inoenderana nezvinodiwa nemubvunzo pese paunotanga ndima itsva. Mimwe mitsara yese inotevera inenge ichitsigira pfungwa yapiwa zvinoonekwa nekutsanangura zvakadzama uye kupa umbowo. Mibvunzo yemabhuku inokuudza zvainoda zvingave zviito, zvinhu, matanho kana zvimwewo. Dzimwe nguva unokumbirwa kuti utsigire mhinduro yako nepfungwa shanu (5), nhanhatu (6), nomwe (7) kana sere (8).

Vamwe vanotadza kunzwisisa uwandu hwepfungwa dzinodiwa nemubvunzo zvinoita kuti vasazobudirira pabvunzo nekuti vanenge vapa pfungwa shoma kana zhinji zvinove zvinozovakanganisa kupedza bvunzo inonyorwa mumaawa maviri.

Pamubvunzo unoda musoro webhuku, unotanga watsanangura zvinorehwa nemusoro webhuku sekuunzwisisa kwako asi usingape mienzaniso, tsumo kana madimikira.

Pamubvunzo unoumbwa netsumo, unotanga watsanangura zvinoreva tsumo yacho sekuiziva kwaunoita asi usingashandise mienzaniso inobva mubhuku.

Pakudzidza mabhuku, haufanire kukanganwa nyaya dziri mumabhuku awakanzi uverenge, kupesanisa mazita evatambi varimo, kuakanganwa, kukanganwa zvavanoita, nzvimbo nezvinangwa zvavanozviitira, hurukuro dziri pakati pavo nezvimwewo.

Nekudaro tichatanga gore rino nekukudzidzisai nhetembo dziri muna Mutakunanzva Wenhetembo kubva svondo rinouya zvichienda mberi. Kumbirai vabereki venyu vapote vachikutengerai Kwayedza svondo rega rega.

 

Share This:

Sponsored Links