Farirai Shona

12 Jan, 2018 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
Tinoti kwamuri vana vatsva vegwaro rechinomwe mauya mauya! Tinokuchingamidzai nemawoko maviri mushure mekupedza makore matanhatu muchikwira nekudzika muzvidzidzo zvenyu.

Rino rava gore renyu rekupedzisira muzvidzidzo zvekuzvikoro zvepasi. Inguva yakakukosherai nekuti munofanirwa kupendera iri gore nekuita zvakanaka muzvidzidzo zvenyu zvishanu kuti mugozoenda kuzvikoro zvamunoshuvira mugore rinotevera. Izvi zvinoreva kuti munofanirwa kuwedzera mwando pamusoro pekudzidza kwenyu netsvagurudzo kuti shuviro dzenyu dzigozadzikiswa.

Tinofanirwa kubatsirana nepepa redu reKwayedza kuwedzera ruzivo mukudzidza kwedu apo vadzidzisi vanenge vachimiramira vachikupai basa rekumba neremuchikoro makare. Vavariro yedu ndeyekuti goho redu riite zvakanaka kusanganisira chiShona icho chinotarisirwa pasi nevakawanda asi chichizovakanganisira goho ravo pakupera kwegore.

Chekutanga ndinoda kuti tizive kuti kuda chinhu kunobvira kure kudzamara zvava muropa. Ngatingogarai tatora chiShona nesimba iro tinopa kune zvimwe zvidzidzo zvose nekuti bumbiro racho rechiShona rakangorongwa nemwero seunopiwa mitauro yose kusanganisira chirungu.

Vamwe vanogona kufunga kuti zvatinochitaura zuva nezuva saka chinopfava kana bvunzo rauya izvo kwete. ChiShona chedu chinoda kuchinzwisisa nekuti chinogozha nedzimwe nguva uye munhu anogona kunge achichinzwisisa zvisiri izvo.

Ndingatora muenzaniso wekuti vakanyora bvunzo gore rapera vakakundikana zvikuru murondzero dzavo nemhaka yekusanzwisisa chiShona. Vakatadza kunzwisisa musiyano uripo pakati pekufarisisa nekufarisa nekudaro rondzedzero zhinji dzaisabata mwero wekufarisisa asi kuti dzaibata mwero wekufarisa. Kufarisa kazhinji kunopinza munhu munataisireva asi kuafarisisa kunogona kukuunzira mufaro wakapetwa uyo waunogona kuramba uchingorangarira.

Munhu akakuyambira kuti wava kufarisa anenge achikuyambira kuti kurohwa kwako kuri pedyo. Saka kusanzwisisa ikoko kwakabva kwaita kuti rondzedzero dzevazhinji dzigotadza kubuda sekutarisirwa izvo zvakaderedza goho ravo. Ngationei kwazvinotangira kuti tigogona kugadzirisa matambudziko anotikamurira goho redu. Ngazvitangire mumba matinogara kuti vana vedu vataure chiShona kwete kuita zvinoita dzimwe mhuri kuti vana havataure chiShona asi kuti vanenge vachingosvisvina chirungu. Izvi zvinoita kuti vana vashaye hanya nerurimi rwaamai votarisira chiShona pasi.

Unoona vana vazhinji vachiverenga magwaro echirungu vasingade kunzwa kana echiShona. Vanobva vafarira zvirongwa zvechivhitivhiti zvechirungu chete vasingade kuonawo zvirongwa zvinoitwa muchiShona nekuti ndiyo dzidziso inobva kumba.

Kunoitawo vamwe vanochitaura chiShona mudzimba asi chiri chakasanganiswa netumwe twumitauro twechimanjemanje twusina madzinde chaiwo eShona. Izvi zvinobva zvauraya sungawirirano zvekuti chiShona ichocho kana chonyorwa, vakwenyi vebasa vanotsvukisa basa rese nemhosho dzinenge dzichiitwa.

Vakuru vanoti kugara nhaka huona dzavamwe. Kune zvinyorwa zvinodakadza zvikuru zvakanyorwa nenyanzvi zvekuti vana vechikoro vakada kuverenga vachitevedzera mashandisirwo emutauro chiShona chavo chinogona kuvandudzika zvakanyanya.  Kune chimwe chipfukuto chegoho rezvinyorwa zveShona chinopfukuta kusvika pamwoyo.

Ichi chipfukuto ndechezviperengo. Vana vazhinji vanotadza zviperengo zvichida nemhaka yekushaya hanya here hamheno asi zvinodonhedza goho zvikuru.  Vamwewo vanorasika papatsanuro yemazwi. Chirongwa chepatsanuro yemazwi chinotoda chiri chega nekuti mitemo yacho yakati wadei uye inoda tsanangudzo dzizere kuti dambudziko iroro rigopera. Shongedzo inofanirwa zvakare kutarisiswa nekuti inokanganisa zvinyorwa.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey