Fembera-Fembera Tione!

07 Nov, 2014 - 09:11 0 Views
Fembera-Fembera Tione!

Kwayedza

VAVERENGI, svondo rapera takati mufembere, mutiudze kuti muimbi watakaburitsa papeji rino, uyo anoimba musambo weAfro-Pop Jazz uye akamboimba naShinsoman mugore ra2008 ndiani.

Takati zvakare vaverengi vashanu vekutanga vanenge vakwanisa kufembera kuti shasha iyi ndiani vachazviwanira maCD emuimbi uyu edambarefu rake idzva pachena.

Mhinduro chaiyo ndeinoti WADZANAYI “WANAI” NDUDZO uyo anoimba nechikwata cheWanai and the Blue Band.

Pavarengi vakatumira mhinduro dzavo hapana kana mumwe chete akakwanisa kufembera kuti muimbi uyu ndiani kunyangwe zvazvo akange asina kuvharwa kumeso pakaburitswa mufananidzo wake. Zvinoreva kuti maCD aWanai ashaya anoatora. Pachena here veduwe?

Hedzinoi dzimwe dzemhinduro dzakatumirwa nevamwe vaverengi:

NdiCindy. – Malvin Kufuka, UMP.

* * *

NdiManyoni. – 0771 877 258.

* * *

Anonzi Cindy. – Bright Kazingizi

* * *

NdiCynthia Mare. – 0715 212 771.

* * *

NdiJean Masters. – Ronald R. Simiyawo, Harare.

* * *

Muimbi uyu anonzi Cindy. – 0783 756 501.

* * *

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey