Fizi ichadzika: Gandawa

19 May, 2017 - 00:05 0 Views
Fizi ichadzika: Gandawa

Kwayedza

‘. . . vadzidzi vobhadhara chidimbu’

Tandayi Motsi —
MUTEVEDZERI wegurukota redzidzo yepamusoro, sainzi nekuvandudzwa kwemichina, Dr Godfrey Gandawa, vanoti Hurumende iri kutora matanho ekuderedza mari inobhadharwa nevadzidzi vekumakoreji nemayunivhesiti panguva yavanenge vari kufundira mabasa mumakambani nemasangano akasiyana (attachment).

Vakataura mashoko aya mudare reNational Assembly svondo rapera apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weMutasa South mudare iri, Cde Irene Zindi.

Cde Zindi vaida kuziva kuti sei vadzidzi vekumayunivhesiti nemakoreji vachibhadhara mari yakazara panguva yavanenge vari paattachment.

“Ndinoda kuziva kubva kugurukota redzidzo yepamusoro nyaya yekubhadharwa kwefizi yakazara nevadzidzi apo vanenge vari pamaattachment. Vabereki vari kubhadhara mari yakazara yetemu yose asi vadzidzi ava vanenge vasiri pakoreji kana payunivhesiti panguva iyi,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Bazi renyu rine hurongwa here hwekuti mari iyi idzikiswe panguva iyi. Kunyangwe zvazvo vadzidzi ava vachishanyirwa vachiongororwa nevarairidzi vavo pavanenge vari paattachment, basa racho rinenge risina kuwanda seapo pavanenge vari pachikoro kwetemu yose.”

Dr Gandawa vanoti nguva yadarika, bazi ravo rakaita hurukuro nevadzidzi vekumakoreji nemayunivhesiti kumativi ose enyika apo nyaya iyi yakabuda zvakare.

“Nyaya iyi yakaziviswa kwatiri apo taifamba tichiita hurukuro nevadzidzi vari kumayunivhesiti nemakoreji munyika. Vadzidzi ava vanoongororwa kaviri nevarairidzi vavo apo vanenge vari paattachment.

“Ndinoda kuvimbisa vanoremekedzwa vabvunza mubvunzo uyu kuti pane matanho atiri kutora mukugadzirisa nyaya iyi.

“Tichaita kuti vadzidzi vabhadhare mari yefizi yakaringana kana kuti yakadai sechidimbu chemari yavanofanira kubhadhara temu yose kana vari paattachment kwete yakazara,” vanodaro. Zvakadai, mumiriri weKuwadzana East mudare iri, Advocate Nelson Chamisa, vaida kuziva kuti zvakange zvavimbiswa naDr Gandawa pamusoro pekudzikisa mari inobhadharwa nevadzidzi pavanenge vari paattachment zvichazadzikiswa rinhi.

“Iyi inyaya yakakosha uye ndicho chimwe chikonzero chakaita kuti vanhu varwe hondo yerusununguko rweZimbabwe. Sedare reParamende, nyaya iyi yaramba iri mudariro kwemakore matatu adarika. Tine nguva yakatarwa here yekuti izvi zvinge zvichizadzikiswa?” vanodaro.

Dr Gandawa vanoti bazi ravo riri kutora matanho akakodzera ekuti nyaya iyi inge ichigadziriswa mukati menguva pfupi.

“Tine gwaro remutemo watiri kuda kukumikidza (Bill) unoona nezvemashandiro emakoreji nemayunivhesiti, iro rakapasiswa nedare guru reCabinet. Mangwanani anhasi (neChitatu svondo rapera) taita hurukuro neachange achiunganidza nekuzonyora zvose zvinofanira kunge zviri mugwaro iri (drafter), saka takamupa masvondo maviri ekuti ange apedza basa iri.

“Mushure mezvo, tichazoendesa gwaro iri kuhofisi yaAttorney-General pamwe nekutora mamwe matanho ose akafanira kusvikira rave mutemo,” vanodaro Dr Gandawa.

Vanoti chishuwo chavo kuti gwaro remutemo iri rinozeyewa mudare reNational Assembly mumwedzi waChikunguru.

Share This:

Sponsored Links