Fizi: vamwe vonyozera

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views
Fizi: vamwe vonyozera

Kwayedza

ZVICHITEVERA danho reHurumende rinoti hakuna mwana wechikoro anofanirwa kudzingwa nekuda kwekuti haana kubhadharirwa mari, kune vamwe vabereki – vamwe vacho “mbozha” – vave kunyozera vachishandisa mukana uyu kuti vana vavo vadzidze pachena zvisinei nekuti vangadai vachibvisa mari idzi nyore.

Vabereki vakadai, avo vasingade kuburitsa mari kuti vagadzirire vana vavo ramangwana rakanaka, vave kuita kuti zvimwe zvikoro zviomerwe nechikonzero chekuti vanongoda kuitirwa zvose pachena.

Hurumende ine chisungo chinokurudzira zvikoro kuti zvisadzingire vana mari dzefundo asi kuti zvitsvage dzimwe nzira dzekuti vabereki vabhadhare. Danho iri ndiro rave kushandiswa nevamwe vabereki, kana dai vanowana, kuda kuti vana vavo vangowana dzidzo yemahara asi kana mwana iyeyo azobudirira vonzwikwa voti, “Mwana wangu iyeye . . .”

Nekuda kwevanhu ava, avo vasingade kuona zvikoro zvichisimukira, vamwe vabereki zvose nevana vechikoro vari kupa mafungiro avo akasiyana pamusoro pevanotora mukana uyu kusvika pakusada kana kubvisa kobirizvaro.

Kune vamwe vabereki vanozivikanwa kuti vanokwanisa kubvisa mari yekuti vana vavo vadzidze asi vanongoitawo gundamusaira nevaya vanoshaya.

Gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora, vanoti Hurumende kana ichiti zvikoro zviregedze kudzinga vana vane vabereki vanenge vasina kubhadhara mari yefundo hazvireve kuti vabereki ava ngavatore mukana uyu kuti vasabvise mari iyi.

“Hurumende yakati zvikoro zvose zvinenge zvaitirwa zvikwereti zvemari dzechikoro zvinge zvichienda kumatare edzimhosva nekuti kondirakiti yekubhadharwa kwemari dzechikoro iripo pakati pevabereki nezvikoro. Kukundikana kwavo kubvisa mari idzi, zvikoro zvakasununguka kukwidza nyaya idzi kumatare edzimhosva kuti zvinge zvichiripirwa,” vanodaro Dr Dokora.

Vanoti vamwe vabereki vave kurega kubvisira vana vavo mari dzechikoro vachitora mukana wekuti Hurumende yakati vana vasadzigwa.

“Vamwe vabereki vave kutora mukana uyu izvo chinangwa ndechekuti Hurumende inoda kuchengetedza kodzero dzevana dzekuti vawane dzidzo pamwe nekupa vabereki nguva yekuti vatsvage mari dzechikoro vana vachidzidza. Mari dzechikoro ngadzibhadharwe.” vanodaro.

Hezvino zvakataurwa nevaverengi vedu:

Mai Rebecca Mangwiro vekuZengeza 2, kuChitungwiza, vanoti kashoma kuti mubereki asabvisire mwana wake mari yechikoro iye anayo asi kuti kazhinji nyaya yehurombo ndiyo inoita kuti vamwe vatadze.

“Upenyu hwatiri kurarama hwakaoma, nyika haina mabasa zvekuti sesu vamwe tinotopona nekutengesa pamisika asi purofiti hapana. Dzimwe nguva kanzuru inotora zvose zvatinenge tichitengesa.

“Shungu dzekuti ndibhadharire mwana kuchikoro ndinenge ndinadzo asi mari inogona kushaikwa zvachose saka kuti titi mwana agare pamba hazviite, anotongoenda nevamwe,” vakadaro Mangwiro.

Vanoti munzvimbo mavanogara vamwe vabereki vanosvika pakunokumbira kuti vapihwe mabasa ekuita kuzvikoro kuitira kuti vana vavo vaenderere mberi nedzidzo.

Vakatsinhirwa naMai Anashe Chiunda (26) vekuChitungwiza zvakare, avo vanoti vabereki vashoma vasingade kubhadharira vana vavo chikoro kana vachinge vanayo mari.

“Vabereki vanogona kudaro vachienda kumabasa asi mari dzacho vasingabhadharwe, saka zvinovaremera kubhadhara kuchikoro. Tinotenda Hurumende nekuita kuti vana vasadzingwe, yakatoona dambudziko rakatarisana nenyika,” vakadaro.

VaPhenias Bumhira (35) vekuZengeza 3, vanoti vakaronga zano rekubhadhara mari yechikoro pashoma-pashoma sezvo vaine mhuri yakakura.

“Nyaya iripo ndeyekuti ini ndine vana vangu kozoti vana vehama dzakashaya. Vose vanenge vachida kubhadharirwa mari dzechikoro neni,” vakadaro.

Lovejoy Sibanda (16), uyo ari kuita Form 4 paZengeza 3 High, anoti zvinorwadza kuti mwana aende kuchikoro asina kubhadharirwa mari.

“Zvinorwadza nekuti mudzidzisi anogona kudaidzira rejesita kuti vana vasina kubhadhara ndinhingi nanhingi saka simukai. Ipapo vamwe vaye vakabhadharirwa vanotangisa kukusvereredza zvekuti unogara uine nyadzi pachikoro,” akadaro.

Talent Moleni (16), wepachikoro chimwe chete ichi, anoti kunyangwe vabereki vachinetseka zvakadii vanofanira kuedza nepavanogona kubhadhara.

“Vamwe vabereki vanoswera vachinwa doro kumabhawa zvinozivikanwa neruzhinji asi kana vakazonzi bvisai mari dzechikoro unoona vachitanga kunzwisa tsitsi vave kudunura nhamo dzavo dzose. Mari dzechikoro dzinofanira kubhadharwa nekuti vadzidzisi vanodawo mari dzavo dzekuti vachishande vakasununguka,” akadaro.

Kune vamwe vabereki vanotozivikanwa kuti vanowana asi voregedza kubhadharira vana vavo mari vachida kuzvifananidza neavo vanoshaya. Izvi zvinodzosera budiriro shure.

Zimbabwe ndiyo iri pamusoro penyika dzose muAfrica pakuve nevanhu vakadzidza.

* Vaverengi tumirai zvamunofunga pamusoro penyaya ino panhare dzinoti: 0714 200 007.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey