Fodya ingangoderera ne10%: TIMB

06 Mar, 2015 - 00:03 0 Views
Fodya ingangoderera ne10%: TIMB

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
GORE rino Zimbabwe ingangowana goho refodya yerudzi rweVirginia makgs ari pakati pe183 miriyoni ne194 miriyoni iro rinova rakaderera kana zvichienzaniswa neremwaka wapera raive nemakgs 216 miriyoni. Chamangwiza wekambani yeTobacco Industry and Marketing Marketing Board (TIMB), Dr Andrew Matibiri, vanoti gore rino goho refodya rakaderera nechikamu che10-15% izvo zvakakonzerwa nekusanduka kwemamiriro ekunze uko kwakakanganisa varimi. Vakataura mashoko aya svondo rapera muHarare pavaimema misika yefodya inosanganisira Tobacco Sales Floor, Premier Tobacco Auction Floors, Boka Tobacco Auction Floors neContractor Zimbabwe Leaf Tobacco segadziriro yekuvhurwa kwemwaka wekutengesa svondo rino neChitatu.

Sachigaro weTIMB, Mai Monica Chinamasa, vakatsinhira kuti mwaka wefodya wa2014/15 wange usina kumira zvakanaka.
“Mvura haina kunaya zvakanaka zvinova zvaita kuti mwaka uno uve nemusiyano nemimwe saka chatove chitsvambe kwatiri kuti tibvume kuti nyaya dzekusanduka kwemamiriro ekunze dziriko uye dzinogona kukanganisa goho.

‘‘Tinotenda kuti varimi vakaramba vakashinga muminda yavo uye vachirimo vachiita basa,” vakadaro Mai Chinamasa.
Zvakadaro, Dr Matibiri vanoti huwandu hwefodya iri kudiwa kumisika hwaramba hwakafanana neyaidiwa gore rapera anove makgs 230 miiyoni.

“Gore rapera, huwandu hwefodya yaidiwa hwaive makgs 230 miriyoni asi takakwanisa kutengesa fodya yedu uye gore rino huwandu hwefodya iri kudiwa hwangoramba hwakadaro zvinoreva kuti kunotogona kuve nemakwikwi ekutengwa kwefodya zvinogona zvekare zvichiita kuti mitengo inge iri pamusoro,” vakadaro.

Share This:

Sponsored Links