Fodya yotengeswa neE-marketing

13 Jan, 2017 - 00:01 0 Views
Fodya yotengeswa neE-marketing MBESA yeKRK26 iyo yakarimwa kuburikidza nemadiridziro edrip irrigation.

Kwayedza

GADZIRIRO dzemwaka wekutengeswa kwefodya wa2017 dzave padanho repamusoro panguva iyo kambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) iri kudzidzisa varimi pamusoro pekutengeswa kwechirimwa ichi nenzira yekushandisa makombiyuta (e-marketing).

Mwaka wekutengeswa kwefodya wa2017 uchaona varimi vachishandisa makombiyuta uye izvi zvichabatsira mukuderedza nyaya dzehuwori kumisika yefodya.

Mukuru anoona nezvekufambiswa kwemashoko kuTIMB, VaIsheunesu Moyo, vanoti kusvika parizvino varimi 80 745 vakatonyoresa pamwe nekuunza huwandu hwefodya yavari kutarisira kukohwa mwaka uno.

Huwandu hwevarimi vakanyoresa uhwu hwakawedzera kubva pa70 161 avo vakanyoresa panguva imwe chete iyi gore rapera.

“Chirongwa chekutengeswa kwefodya kuburikidza nemakombiyuta (e-marketing) chave kutofambiswa uye vachange vachichishandisa vari kudzidziswa nezvacho.

“Tiri kutaridzira mashandisirwo echirongwa ichi pane mumwe wemisika yedu uye takapa marezinesi ekutengesa fodya kumisika mitatu inoti Boka Tobacco Floors, Tobacco Sales Floor nePremier Tobacco Floors.

“TIMB yakapa zvakare marezinesi kumakambani anopa makondirakiti ekurima fodya anosvika gumi nemashanu,” vanodaro VaMoyo.

Vanoti vari kutarisira kuzopa marezinesi kuvatengi vakuru vefodya vari muchikamu cheClass A.

“Varimi vazhinji vane zvirimwa zvakadiridzirwa vave kutokohwa uye vamwe vave pachidanho chekupisa fodya yavo.

“Tiri kufundisa varimi nezvekukosha kwekurima kwakanaka kunoita kuti vange vachibura mari zhinji mumisika. Zvakakosha kuti  vazive mamiriro anenge akaita fodya inodiwa kumisika,” vanodaro.

Varimi vari kutarisirawo kubura goho rakanaka mwaka uno zvichitevera kunaya kuri kuita mvura zvakanaka kumatunhu mazhinji enyika.

Kuwanda kwemvura yemudenga kwakakosha zvikuru kuvarimi sezvo vazhinji vasina nzira kwadzo dzemadiridziro.

Zvisinei, vamwe varimi nguva yadarika vakasangana nedambudziko rekuparadzwa kwefodya yavo nemvura yaive nedutu pamwe nechivhuramabwe.

Mwaka uno varimi vakadyara mahekita 66 554 efodya kureva kuti huwandu uhwu hwakawedzera kubva pamahekita 56 623 ayo akadyarwa gore rapera.

Mwaka wapera, fodya yakatengeswa kumisika yose aive makgs 202 miriyoni ayo aikosha $600 miriyoni.

Fodya iyi yaitengeswa nemutengo wepakati nepakati waive $2,93c

 

Share This:

Sponsored Links