Fodya yowanisa mabasa

22 Sep, 2017 - 00:09 0 Views
Fodya yowanisa mabasa

Kwayedza

Buhle Nkomo —
“MURUME wangu akarasikirwa nebasa rake apo aishanda semubatsiri pane imwe kambani yakazovhara kuBulawayo,” vanodaro Mai Taipa Ngoshi (45) vanove murimi kupurazi reMaunga kuKaroi.

Vanoenderera mberi vachiti: “Takazoenda kunogara nevemhuri yemurume wangu uko vatezvara vangu vaive murimi wefodya sezvo pakange pasina imwe sarudzo yataikwanisa kuita. Tezvara vangu vakatipa munda wekurima ndokutikuridzira kuti tirime fodya.

“Takazvipira kushanda zvine simba tichidzidza zvakare pamusoro penzira dzakanaka dzekurima nadzo fodya kuitira kuti tibudirire.

“Mugore ra2000, takazowana munda wedu pasi pechirongwa cheHurumende chekugovera ivhu kuruzhinji apo murume wangu akandikurudzira kuti ndinyorese zviri pamutemo semurimi wefodya. Mushure memakore matatu, apo taive tofunga kuti hupenyu hwedu hwave kuzoshanduka tichifara semhuri, murume wangu akabva atanga kurwara. Akafa mushure mekurwara kwenguva pfupi. Pasina kugadzirira, ndakave amai pamwe nababa kuvana vangu.

“Ndakatanga kuona kuti basa riri kufamba sei mumunda. Taive nechirimwa chakanaka pakafa murume wangu nekudaro ndakave nechishuwo chekuti zvinhu zvienderere mberi zvichifamba zvakanaka. Ndakazvipira kurwisa hurombo kuburikidza nekushanda nesimba. Ndakakohwa fodya yemhando yepamusoro-soro pakupera kwemwaka.

“Kurima fodya kuri kundiraramisa pamwe nevanasikana vangu vaviri kubvira pakashaya murume wangu. Iye zvino ndiri kurima muchirongwa chekondirakiti ndichibatsirwa nekambani yeZimbabwe Leaf Tobacco (ZLT) chinove chinhu chakanaka sezvo ichindibatsira nezvekushandisa pakurima pamwe nekundipa mazano ari pamusoro pemarimirwo akanaka efodya.

“Ndakarima mahekita maviri ndikakohwa fodya inorema makgs 4 000 mwaka wapera ndichibatsirwa neZLT contract. ZLT inondibatsira zvikuru nezvekurimisa pamwe nemazano akasiyana. Ndiwo mararamiro andinoita. Haticheme-cheme nekuda kwenyaya yemitengo yefodya,” vanodaro Mai Ngoshi vachinyemwerera.

“Ndiri kukwanisa kuchengeta vana vangu nekurima pamwe nehanzvadzi yangu yakashaya nevabereki vangu avo vakwegura.”

Kunze kwefodya, Mai Ngoshi vanorimawo nzungu dzekukuyisa dovi remhuri yavo pamwe nerekutengesa.

Mai Ngoshi vakatenga sitendi iyo vanoda kuvaka imba munguva inotevera uye vakatengawo zvakare midziyo yekushandisa pakurima.

Vanoti vakasangana nezvakanaka pamwe nezvimhingamipinyi murwendo rwavo rwekurima asi havana kumbobvira varega kurima fodya.

“Ndinowanzosangana nematambudziko panguva yekukohwa fodya. Ibasa guru kutakura fodya yatinenge tatemha mumunda kuindesa kumadhirihora. Ibasa rinogozha, kunyanya kunesu vanhukadzi. Murume wangu paaive achiri mupenyu zvakange zvisina kuipa sezvave iko zvino,” vanodaro.

“Mugore ra2012, fodya yangu yakakanganisika nekuda kwekunonoka kutakurwa pamwe nekuipisa zvakaita kuti ive nemutengo wakaderera. Zvisinei, zvimhingamipinyi zvinowanikwa muhupenyu.”

Mai Ngoshi vari kufunga zvakare kuti vange vachishandisa madiridziro emhando yedrip irrigation ayo ari kutsigirwa nekambani yeTobacco Industry and Marketing Board (TIMB) kuitira kuti kurima kwavo kusakanganiswe nekusanaya kwemvura zvakanaka nekuda kwekusanduka kwemamiriro ekunze.

Vanokuridzira vanhukadzi kuti varimewo fodya vakwanise kuraramisa mhuri dzavo.

“Ndinoda kukurudzira vamwe vanhukadzi, zvikuru chirikadzi neavo vasina varume kuti vanyorese kurima fodya vagowana raramo. Ini ndinodya zvinobva mudikita rangu. Handidi kuroorwa zvakare. Kune mukondombera nekudaro handidi kufa ndigosiya vana vangu vachitambura,” vanodaro.

“Kana pakave nemikana yakaenzana, vanhukadzi vanokwanisa kuzvimiririra munyaya dzehupfumi pamwe nekuve varimi vane pundutso,” vanodaro Mai Ngoshi.

Mai Ngoshi mumwe wevarimi vakanyoresa avo vanodarika 80 000 muZimbabwe vari kubatsira nekuunza chikamu che21% chemari yekunze munyika muno.

Vanhu vanosvika 3 miriyoni muZimbabwe vanorarama kuburikidza neindasitiri yefodya uye vamwe vanodarika 350 000 vanoshanda zvine chekuita neindasitiri iyi – kubvira kumapurazi kusvikira kumafakitori.

Mari yashandiswa mukusimudzira indasitiri yefodya mabhiriyoni akawanda emadhora uye indasitiri iyi yakakosha zvikuru munyaya dzehupfumi hwenyika.

Kuti munzwe zvakawanda ridzai nhare kumahofisi eTIMB panhamba dzinoti: 08677004624-6, 0772145166-9, 0279-22082-21982, 025-3439, 067-24268-9246, 0277-270, 064-7280 ne0271-6772. Munogona zvakare kutibata pamanhamba eToll-Free anoti 08006003/ 0731999999/ 0712832804 kana padandemutande rinoti [email protected] <mailto:[email protected]>

 

Share This:

Sponsored Links