‘Fundo haisi yemahara’

0 Views

Kwayedza

Tandayi Motsi —
GURUKOTA redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Lazarus Dokora vanoti hapana fundo inowanikwa pachena nekudaro zvakakosha kuti vabereki vabhadhare mari dzechikoro dzevana vavo nenguva – kusanganisira yekunyora bvunzo.

Dr Dokora vakataura mashoko aya mudare reNational Assembly neChitatu svondo rapera apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weChegutu West mudare iri, Cde Dextor Nduna.

Cde Nduna vaida kuziva matanho ari kutorwa nebazi iri kuitira kuti zvikoro zvisanyime vadzidzi magwaro ezvinenge zvabuda mubvunzo dzavanenge vanyora dzeZimbabwe School Examinations (Zimsec) nekuda kwechikonzero chekuti vanenge vasina kubhadharirwa mari dzechikoro.

“Ndeapi matanho amuri kutora kune vakuru vezvikoro vanonyima vana zvinenge zvabuda mubvunzo kuitira kuti vakwanise kuenderera mberi nedzidzo yavo zvakanaka,” vanobvunza Cde Nduna.

Dr Dokora vanoti vadzidzi vane nguva yakakwana yekunge vachibhadharirwa mari dzechikoro nedzekunyora bvunzo sezvo bazi ravo rakatara kuti mari iyi inogona kubhadharwa kwemakore maviri bvunzo dzisati dzanyorwa.

“Sebazi, tinotarisira kuti mari yekunyora bvunzo inokwanisa kubhadharwa kwemakore maviri. Padanho repuraimari, vanotanga kubhadhara vari Grade 6 uye kusekondari vanotangira paForm 3 kuitira kuti kana vonyora bvunzo dzavo vanenge vasina chikwereti kuZimsec,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti: “Muna 2013, takati mwana haafanire kukanganiswa dzidzo yake nekudzingwa chikoro saka tinokurudzira vabereki kuti vagare pasi nevakuru vezvikoro vowirirana hurongwa hwemabhadhariro avangaite mari.

Hapana fundo yepachena uye vabereki vanofanirwa kusiyana nepfungwa iyi,” vanodaro.

Vanoti bazi ravo rinokurudzira kuti vabereki vabhadhare mari yechikoro yevana vavo sezvo izvi zvichisimudzira chikamu chedzidzo.

“Tinokurudzira vabereki kuti vabhadhare mari yose inodiwa nezvikoro kuitira kuti varairidzi vashande zvakanaka nevana. Izvi zvinoitawo zvakare kuti vana vanyore bvunzo dzavo zvakanaka vasina mutoro wezvikwereti. Hatifanire kusvika padanho rekuti mwana anopedza chikoro asati abhadharirwa mari yake yose yefizi. Sei tichisvika pakadai apa?” vanodaro Dr Dokora.

Vachipindura mumwe mubvunzo wemumiriri weProportional Representation mudare iri, Mai Consilia Chinanzvavana – Dr Dokora vanoti kutanga gore rinouya, zvinodzidzwa nevana gore rose padanho reO- neA-Level (course work) zvichave chikamu chezvinozobuda kana bvunzo dzeZimsec dzanyorwa. Mai Chinanzvavana vaida kuziva kuti zvichafamba sei panyaya yevana vanenge vachida kunyora bvunzo asi vasiri kuenda kuchikoro (external candidates).

“Mugwaro idzva reNew Curriculum yepuraimari nesekondari muri kuti kutanga mugore ra2018 pabvunzo dzeO- neA-Level pachange pave kutariswa course work yemudzidzi zvakare. Saka mubvunzo wangu ndewekuti ko avo vanenge vachinyora bvunzo idzi asi vasingadzidze pachikoro chavanenge vachida kunyorera vari zvichafamba sei panyaya yecourse work iyi? Vanokwanisa kuzonyora bvunzo dzavo here?” vanodaro Mai Chinanzvavana.

Dr Dokora vanoti vari kuita zvidzidzo zviri muNew Curriculum ndivo vachatanga nehurongwa hwekushandiswa kwecourse work pabvunzo dzeO- neA-Level.

“Pfungwa iripo ndeyekuti course work iyi (continuous assessment) inofanirwa kushandiswa asi hudzamu hwayo huchisiyana nezvidzidzo zvacho. Apo vadzidzi vanenge vave kunyora bvunzo dzavo dzekupedzisira, chikamu checourse work iyi chinoshandiswawo pane zvinozobuda mubvunzo idzi. Asi kune avo vanenge vachinyora bvunzo vasingadzidze pazvikoro zvavanenge vachinyorera, havakanganiswe nehurongwa uhu.

“Vanongonyora bvunzo dzavo zviri nyore saka vanokurudzirwa kuramba vachinyora kusvikira vakwanisa zvidzidzo zvavanenge vachida,” vanodaro Dr Dokora.

Share This: