Gadhi nemusikana webasa zvaburana

23 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

MUSIKANA anoshanda mumba, wekuti akamitiswa nagadhi, akazodya magaka mambishi mudare achiti anoda mari yekuchengeta mwana. Rumbidzai Mutandakamwe akamhan’arira Taurai Mamvato kuHarare Civil Court achida mari yekuriritira mwana.

“Ishe wangu, ini ndinotovawo musikana webasa, ndiri kuzvitambudzikirawo zvangu kuti ndingaita sei kuti ndichengete mwana asi baba vacho varipo. Havana kana chavari kuunza kumba kuti mwana ararame zvakanaka.

“Basa remumba randinoshanda harina chariri kundiunzira, ndiri kuwana pashoma- shoma zvekuti handikwanisi kuriritira mwana ndega. Ndauya kuno kudare kuti rindibatsire andipewo $160 yekuti ndichengete mwana wake,” akadaro Mutandakamwe.

“Ndigadhi anohora mari mwedzi wega- wega asi ari kuda kunyepa kuti vanoita zvekutengesa. Mari yandataura iyi anoiwana nekuti pataigara tese ndainyatsoziva mari yaaiuya nayo kumba. Mwana ari kuda chikafu, zvipfeko nemari yekuti atange kuenda kuchikoro.”

Mamvato akapikisana naMutandakamwe achiti:

“Ndiri kushaya kuti zvekunzi ndiri gadhi zviri kubva kupi nekuti iye anonyatsozviziva kuti basa iri handiriite. Ari kutaura zvekuda kuti angonzi awane mari nekuti mari yese yaataura nebasa rangu rekutengesa randiri kuita handiikwanise.

“Paakanditiza ndakamuudza kuti ngatitauriranei nekuti zvekuchengeta mwana zvichazonetsa iye akati hazvimbonetsi. Izvozvi ava kundiunza kudare, manje ava kuremerwa nemwana wacho. Tingadai tiri kungoonera nhamo iyi pamwe chete. Pari zvino ndokwanisa kumuwanira $30.”

Mutongi Trevor Nyatsanza akati nyaya yevaviri ava idzokezve mudare.

Share This:

Sponsored Links