‘Gadzirai macompost’

17 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
‘Gadzirai macompost’

Kwayedza

Kingstone Mapupu —
VARIMI vokurudzirwa kuti vagadzire manyowa ekuisa muminda nemumapindu avo nenzira dziri nyore dzakadai semacompost panguva ino apo mvura ichiri kunaya zvikuru kuitira kuti zviworere.

VaJohnson Muzarurwi avo vanova agriculture consultant vanoti ino ndiyo nguva yekuti varimi vagadzire manyowa kuburikidza nekucheka huswa vachiita macompost.

“Hatisi tose varimi tine mombe kana zvimwe zvipfuyo mumisha yedu zvinotipa manyowa. Nekudaro zvakakosha kuti tigadzire manyowa edu pamisha kana kuitira kuminda chaiko. Chinodiwa kutora zvinhu zvatinofunga kuti marara tozvigadzirisa manyowa aya,” vanodaro.

VaMuzarurwi vanoti varimi vanogona kucheka huswa mungava mumadhunduru nekumicheto kweminda vounganidza panzvimbo imwe chete vozogadzira compost.

“Panguva imwe chete iyi, varimi ava ngavaunganidze angava mashizha emiti manyoro kana hwakwani, mashizha emibhanana, mango dziya dzinodonha mumiti vanhu vachirasa, mashanga echibage, miriwo inoraswa, makoko emazai kana embatatisi nemakadhibhokisi,” vanodaro.

Vanoti kana compost ichigadzirwa haifanirwe kuchererwa gomba asi kungoisa panotangira ivhu, poiswa zvimiti nezvimatanda pozotangwa kuiswa angava mahuswa kana mashanga zvichiiswa nehwaro hwemhando hwezvinhu zvacho. “Taisa tumatanda pasi, tomboti totanga nekuisa mashanga echibage topedza hwaro takadaro, topinda kumashizha enzungu toenda takadaro, kana tasvika kumashizha emiti topedzawo chikamu ichi takadaro. Tichingodaro kunyangwe kuisa magwavha akawora nemiti iya inobva mukuvezwa kusvika compost yedu yakura. Asi panozoda kupota pachidirwa mvura kana kusinganaye, kana kuchinaya kudai chinhu chakanaka,” vanodaro.

Vanoti hapana chinosarudzwa kunyangwe maruva aye anenge achekwa anoiswa pacompost apa zvichisanganiswawo nendove yemombe, zvikuru madororo ehuku.

“Ivhu riya rakakorera ratinoisa mumapindu kana tsangadzi yatacheka muzvivanze zvedu rinokurudzirwawo zvakare. Tikaisa chikamu chingava chemashizha echibage kana nzungu tinofanirwa kuzoisa ivhu nekuti rinopa mukana wekuti zvizowora zvakanaka,” vanodaro.

VaMuzarurwi vanoti kune vanenge vachiwana vanogona kumwaya fetereza ingava yepamusoro kana pasi pachikamu choga-choga chemashizha kana chezvinhu zvavaisa kusvikira pamusoro pecompost sezvo zvichibatsira kuti manyowa akurumidze kuworera.

Vanoyambira varimi kuti vasiyane netsika yekukanda mabhonzo enyama kana kuisa masahwa mumacompost avo sezvo zvinokanganisa kuibva kwemanyowa zvakanaka.

“Mushure memasvondo akati kuti, murimi anofanirwa kupota achipindura compost iyi kuti mashanga nezvimwe zvisangane kusvikira manyowa aibva. Manyowa aya anofanirwa kuzoshandiswa mushure menguva ingaite gore oiswa mumapindu kana kuminda,” vanodaro VaMuzarurwi.

Vanoti kunze kwekugadzira manyowa aya, kuita macompost kunobatsira varimi kuti misha yavo igare yakachena pamwe nekudzivirirawo kubereka kwehumhutu nekuwandawo kwemakonzo netumwewo tumbuyu.

Share This:

Sponsored Links