Gadziriro dzebvunzo

04 Feb, 2016 - 21:02 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
GORE zvarichiri kutanga kudai tati tigare tarima kuitira kuti kana todyara zvigotiitira nyore tisisina mavhinga ayo angatsitsirira mbesa dzedu kuti dzigotadza kubuda zvakanaka. Ndizvo zvinoitwa nemurimi anoziva kuti achada goho rine mutsindo kupera kwemwaka weZhizha.

Murimi nemwana wegwaro rechinonwe ndizvo zvimwe chete. Mwana wegwaro rechinonwe anofanirwa kuita gadziriro yakanaka apo anobvisa zvose zvingamukanganise kubuda zvine mutsindo mubvunzo dzake kupera kwegore.

Chinhu chine mutsindo chinotinhidza pasi kuratidza kuti chinhu chikuru.

Mwana wegwaro rechinomwe ane chitsvambe nekudaro gadziriro yakafanira kusimba chose.

Gadziriro iyoyi inotangira mukuunganidza magwaro angashandiswa mukubata basa iri. Kune magwaro edzokororo inoitwa pachinhu chawakamboita, haungoite dzokororo yebasa rausati wamboita.

Izvi zvinoreva izvo kuti vana vanofanirwa kutanga vagona zviri mumabhuku asiri edzokororo.

Paye panenge vadzidzisi vachirovera musoro chibva waisa pfungwa ipapo ubate maitirwo ezvinhu zviri kudzidziswa.

Kana usina kubata ibva wabvunza. Kana wapihwa basa rekunoita kumba (homework) usaite zinyekenyeke nokuti basa rekunoita kumba rakakosha sezvo richitsigira zvadzidziswa (reinforcement and consolidation of learnt concepts).

Tsigiro iyoyo ikashaikwa zvadzidzwa zvinoenda nemhepo.

Murimi anofunga zvegoho rake akanangana nezvinhu zvina zvinoita kuti goho rake rimukoshere.

Anotarisa mamiriro evhu raachashandisa naro.

Anotarisa zvakare mamiriro ekunze maererano nekunaya kwemvura zvichienderana nembesa yaanoda kudyara.

Anozotarisa mamiriro akaita zvaachashandisa kuti arime zvakakwana.

Ndizvo zvimwe chete nemwana wegwaro rechinomwe, anewo marongero akafanana nemurimi.

Mari inodiwa mukugadzirira uye kudzidza kwacho kusvika pakunonyora.

Panodiwa mabhuku akakwana nezvekunyorera.

Kunodiwazve mari yekutsvaga zvinhu zvekutsinhira dzidzo sekutenga mapepa kubva kune dzimwe nzvimbo (revision material from centers).

Semurimi unofaninirwa zvakare kutarisa mamiriro ekunze. Mazuva ano kunze kwakatarama, zvidzidzo zvawedzera.

Izvi zvinoreva kuti unofanirwa kuverenga twakasiyana-siyana uchiunganidza zivo (reading widely).

Mamiriro ekunze arikuti zvinhu zvakaoma chose mazuva ano nokudaro wotochama kutsigira fundo yako.

Murimi akaona kuti mvura yarambira mudenga kana kuti denga rachenama, anoita nzira dzekudiridzira kuti goho risaparare iwe mwana wechikoro unenge uchiverenga kutsigira zvakadzidziswa nemudzidzisi. Ukangogara zvose zvinotsva zvoparara.

Ko iyo gadziriro yauri kuita ndeyei? Igadziriro yebvunzo huru yepamusoro nekudaro ziva donzo sekuziva kunoita murimi pamusoro pembesa yaanoda kudyara.

Mutano anoti apasa chaizvo anofanirwa kubuda nezvibodzwa zvina (four units ).

Saka iwe iva nedonzo kana mutaro wako (target) woshanda wakanangana nedonzo rako. Ukaita zinyekenyeke haupasviki panoda moyo.

Ibva wagadzira nguva dzauchaita basa repamba, basa retsvagirudzo (research) nebasa rekuverenga zvawakadzidza nezvitsva. Izvi unogona kuita iya yatinoti timetable muchirungu.

Handirevi kuti gara wakabata bhuku kwete, asi kuti zvipe nguva dzakatarwa dzauchabata bhuku.

Share This:

Sponsored Links