Gadziriro dzekurima gorosi dzotanga

01 May, 2015 - 00:05 0 Views
Gadziriro dzekurima gorosi dzotanga

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
VARIMI vanokurudzirwa kuti vachitangisa gadziriro dzekurima gorosi remuchando parizvino kuitira kuti vafambirane nenguva. Mashoko aya akataurwa nemukuru anoona nezvekushambadzwa kwezvinhu kukambani yeSeed-Co Zimbabwe VaIvan Craig vachiti zvakakosha kuti varimi vaite gadziriro dzavo nguva ichiripo. “Ino ndiyo nguva yekugadzirira minda nekutenga mbeu yegorosi kumurimi akangwara nekuti zvinoderedza nyaya dziye dzekuzomhanya-mhanya munguva yekupedzisira. Tinotenda zvikuru nekuti mvura yakanaya yakati wandei munzvimbo zhinji saka zvichave nyore kuvarimi kuti vange vachishanda muminda yavo pamwe nekudyara,” vakadaro.

Vanoti varimi vane madiridziro vanofanira kurima minda inoenderana nehuwandu hwemvura yavanayo.
“Murimi haafaniri kungofarira bedzi kuzadza minda nembesa kana asina mvura yakakwana yekuzodiridzira nekuti zuva richauya.

“Somuenzaniso, murimi haangarimi mahekita zana iye aine mvura inokwanisa kudiridza mahekita gumi bedzi nekuti rinozova dambudziko mune ramangwana opedzisira ave kurasikirwa negoho,” vakadaro.

VaCraig vanoti varimi vegorosi vanofanira kuona kuti midziyo yekurimisa yakadai sematarakita iri kushanda zvakanaka pamwe nemapaipi ekudiridzisa.

“Tinoona varimi vakawanda vachizoona kuti matarakita avo akafa vatove mumunda zvinova zvinozoita kuti vanonoke kubata mwaka wekurima nekuti zvinenge zvave kuvadhurira kugadzirisa mudziyo yakadai nechimbi-chimbi.

“Mapaipi emvura haafaniri kunge aine maburi nekuti zvinoita kuti murimi arasikirwe nemvura yakakosha inofanira kunge ichienda kuzvirimwa,” vakadaro VaCraig.

Vanoti fetereza yakakoshera chirimwa chegorosi inosanganisira Compound B iyo inoiswa nemwero we450-500 kgs pahekita imwe chete.
VaCraig vakakurudzira varimi kuti vashandise mbeu dzakauchikwa nemakambani anozivikanwa pachinzvimbo chekutenga pamusika wemukoto.

“Mbeu hadzingotengwi mumigwagwa nekuti kune dzimwe dzinogona kudaro dzakapfukutwa kana kuti dzanzwa nekudzokorora kurimwa saka hadzipi goho rinogutsa.

“Kune mbeu dzakauchikwa nemakambani anozivikanwa dzinenge dzakanyorwa nenzira inobatsira murimi pamarimirwo adzo nemwaka yadzakakodzera kurimwa,” vakadaro.
Zvakadaro, gore rapera matani akarimwa egorosi nyika yose aive 54 000 asi Zimbabwe inoda matani ari pakati pe350 000 kusvika 450 000 pagore.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey