Gadziriro dzemaAll Africa Games dzoitwa

28 Aug, 2015 - 00:08 0 Views
Gadziriro dzemaAll Africa Games dzoitwa

Kwayedza

GADZIRIRO dzechikwata cheTeam Zimbabwe icho chichanomirira nyika kumitambo yemaAll Africa Games kuBrazzaville, kuRepublic of Congo nguva inotevera dzave padanho repamusoro.

Makwishu aya anotarisirwa kutanga musi wa4 Gunyana achizopera musi wa19 uye zvikwata kubva munyika 54 dzemuAfrica zvichatumira vatambi kunokwikwidza mumitambo inosanganisira nhabvu, mujaho wekumhanya, basketball, beach volleyball, tenesi, rugby pamwe nekarate.

Head of delegation weTeam Zimbabwe, Joseph Muchechetere, anoti gadziriro dzezvikwata zvakasiyana zvenyika iri kufamba zvakanaka.

Mumutambo wemaAll Africa Games wekupedzisira uyo wakatambirwa kuMaputo kuMozambique mugore ra2011, Zimbabwe yakakwanisa kutora menduru 15 dzinoti nhanhatu dzegoridhe, sere dzesirivha nembiri dzebhuronzi.

Parizvino zvimwe zvezvikwata zvemitambo yakasiyana zvichamirira Zimbabwe zviri kunze kwenyika uko zviri kuita gadziriro uye zvinotarisirwa kuzopinda mukembi musi wa28 Nyamavhuvhu zvozosimuka kuenda kumutambo uyu musi wa31.

“Gore rino tiri kuda kunokumba menduru dzakawanda kudarika dzatakahwina kumutambo wekupedzisira.

“Tiri kuda chaizvo kunyora nhorowondo kumutambo uyu, tiri kuda kunohwina hapana zvimwe zvatinoda.

“Zvikwata zvedu zvakasiyana zviri kuita gadziriro zvakasimba uye tinovimba kuti zvichanobata basa kumutambo uyu,” akadaro Muchechetere.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey