Gadziriro dzeWorld Cup dzotanga

02 Jun, 2017 - 00:06 0 Views
Gadziriro dzeWorld Cup dzotanga Graeme Cremer

Kwayedza

Abel Ndooka
SANGANO reZimbabwe Cricket rakaumba chikwata chevatambi 15 avo vari kutarisirwa kunokwikwidza nezvikwata zveScotland, Netherlands neSri Lanka munguva pfupi iri kutevera.

Chikwata ichi, icho chichange chichitungamirirwa nakaputeni wacho Graeme Cremer, chichatanga nekutamba mitambo miviri yeOne Day International  kuScotland musi wa15 na17 Chikumi.

Mushure mezvo, maChevrons anobva apfuurira kuenda kuNetherlands uko achanosanga nechikwata cheko mumitambo mitatu yeODI musi wa21, 23 na25 Chikumi.

Kana mitambo yemuEurope iyi yapera, chikwata ichi chichaenda kuSri Lanka kunotamba mitambo mishanu yeODI pamwe nemumwe chete wetest match.

Mukushi wemashoko weZC, Darlington Majonga, anoti mitambo yeScotland neNetherlands yakakosha zvikuru sezvo iri yegadziriro apo maChevrons anozotarisira kuenda kunokwikwidza neSri Lanka.

Anoti vatambi vavo vanofanira kushandisa mitambo iyi segadziriro yekunokwikwidza kumitambo ye2019 International Cricket World Cup iyo ichazotambirwa kuEngland.

“Mitambo yekurwira kuenda kuWorld Cup ichatanga gore rinotevera saka chishuvo chedu kuti chikwata chitambe mitambo yakawanda chaizvo.

“Zvinogona kungonzi gore rinotevera tichatamba neScotland kana Netherlands yacho mumitambo yekurwira kuenda kuWorld Cup saka zvinenge zvanakira vakomana sezvo vanenge vakambotamba nayo uye vave kuziva matambiro ayo,” anodaro Majonga.

 Chikwata cheZim Cricket:

Ryan Burl
Sikandar Raza Butt
Tendai Chatara
Chamunorwa Chibhabha
Graeme Cremer
Craig Ervine
Hamilton Masakadza
Solomon Mire
Peter Moor
Christopher Mpofu
Tarisai Musakanda
Richard Ngarava
Donald Tiripano
Malcolm Waller
Sean Williams

Share This:

Sponsored Links