Gakava re$10 rakaperera mudare

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

Tatenda Moyo
MAKAKATANWA pakati pemumwe mukadzi neaimbova murume wake pamusoro pemusiyano we$10 pamari yekuchengeta mwana wavo akatozopedzwa nedare.

Lavender Chikurunhe akamhan’arira Takunda Mumbamarwo kuHarare Civil Court achida mari yemendenenzi.

“Vedare, mukadzi uyu ari kutadza kunzwisisa, ari kuda $60 yemendenenzi yemwana mumwe chete asi ini ndinokwanisa kumupa $40 chete nekuti ndine mhuri yakati kurei.

“Ndine vana vatanhatu kusanganisira waamai ivava neakasiiwa nehanzvadzi yangu payakashaya nevemumwe mukadzi.

“Vose ivava vakatondivhurira ziso vachida rubatsiro kubva kwandiri.

“Ndanga ndati tisangane pakati kuti sezvo vari kuda $60 ini ndichikwanisa $40 saka tose tobvumirana kuti ndibhadhare $50 iri pakati nepakati asi vari kuramba vakatsika madziro” akadaro Mumbamarwo.

Chikurunhe haana kupokana nemashoko ekuti Mumbamarwo ane vana vashanu asi kuti mari yaaida kubhadhara ndiyo shoma.

“Zviri kutaurwa nababa ava ndiri kuzvinzwa asi handisi kubvumirana nazvo nekuti $40 yavanoda kuti mwana wavo abatsirike nayo haina chainokwana, mari yechikoro chaiyo i$60. Ngavachindiudza kuti ini ndodii nekuti handingabhadhare kubvira kuchikoro kusvika kuchikafu.

“Chandinoda kuti mwana abatsirikane kwete zvekuti mwana oomerwa neupenyu kubvira achiri pazera rakadai,” akadaro Chikirunhe.

Mutongi Tafadzwa Muvhami akati Mumbamarwo abadhare $50 pamwedzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey