Tese tiri maNinja here?

15 Dec, 2013 - 15:12 0 Views
Tese tiri maNinja here?

Kwayedza

DIRA kuvha mugirazi
Maoko ari mudenga kunge mukirasi

Party yakaheater, bvisa jasi
Vanhu vari kufara zvakapfurikidza nhasi
Kuita kunge Jesu adzika pasi . . .

Vakomana Mwari haanwe makuvha, uye pachadzoka Jesu pasi vanhu vachapindwa nechando.

Tese tinoda kudiwa, asi tese hatingaite maninja kuti vanhu vatibhige kuti takakora. Tese hatingaite marasta anoimba nziyo kuti tiwane zvimoko nevanhu vanotibhiga vachitikandira mawaya-waya.

Vechidiki vakawanda vane pfungwa yekuti kana uri muninja kana murasta ndiwe une yese pataundi. Asi, kana maninja anorasika rough. Kana uchifunga kuti kupengesa vanhu nechimbo chako uri pastage kwakuenanisa naJesu, kurumidza kuburuka patower light pawazvikwidza nekuti, kubudirira nembiri zverudzi irworwo mahwani.

Kana zvinhu zvako zvichinge zva’a zvinhu nekuda kwezvinhu zvisiri Mwari, ziva kuti wakapfeka sutu yemapepa. Haufanirwe kudikitira kana kunaiwa. Haufanirwe kudziya moto. Kuita muninja kana murasta hakusi chete kungoda kuti vamwe vatisimudzire mudenga semureza wenyika.

Tinofanirwawo kuwana vanhu vanotaura zvinhu zvakanaka zvatinoita. Kutsvaga mbiri, zvekuti kwese-kwese vanenge vachikutaura saJacob Moyana kana Beverly Sibanda kana mamwe maporofita emuHarare zvinoratidza kuzvida kwakapfurikidza mwero. Kutsvaga mbiri kwakafanana nekutsvaga kuzvikudza kwakataurwa neBhaibheri muna 1 Johani 2:16.

Zvinotiitira bhoo kufamba takasimudza miswe yedu nekuti tinofunga kuti tisu tine yese pataundi. Kuzvinzwa kwedu kuti tiri kubhigwa kunoita kuti tifunge kuti tave ndege zvekuti pese patinosvika tinotoda airport yekuti timhare, vanhu vagotiunganira.

Asi ndege dzakafanana nemandere, dzinodhumira, dzodonha pasi. Kazhinji hupenyu hwekudira makuvha mugirazi haunake semakuvha acho.

Hupenyu hwekubhigwa hunounza kuzvida. Kuzvida kunotiita kuti tinzwe sekunge takura zvekuenzana naMwari chaizvo zvekuti tinopedzisira tisisaone kutadza kwedu.

Nyangwe kufadza kwedu vanhu kukasafadza Mwari, izvozvo hazvina basa nesu nekuti isu chatiri kutsvaga imbiri nekuzvikudza. Asi kana pane chinhu chinovengwa naMwari, kuzvikudza. Mbiri ndimwari anonetsa kuwana uye anodiwa nevazhinji. Kune vakatsvaga mbiri nemumapako anogara nyoka vakaparara.

Mbiri inonyanya kutyisa kana yave kutsvagwa vanhu vachishora nekushandisa zita raMwari. MuBhaibheri, Herodhi akanga achibhigwa nevanhu akafa akabva atoora ari pastage.

Munhu wese anoda mbiri, anofanira kusarudza kufadza vanhu nekufadza Mwari. Zvinoda Mwari nguva zhinji hazvifadze vazhinji. Kana tichida kuti vanhu vatibhige, tibude mumapepanhau nemumaTV, tinofanira kusarudza zvenyika. Asi kusarudza kubhigwa kwese zvako – kwemuporofita, kwemupurisa kana muNinja – kunoreva kuti nesuwo tinoda kukwana pambiri yaMwari sehukwana pasi pemapapiro amai vadzo. Simba nembiri ndezvaMwari mafesi angu.

Kunyangwe vatungamiri vemachechi vave kudawo kuita maNinja. Vafundisi nemaporofita vanoda kuzadza machechi kunge nhandare dzebhora kana kunge show yaDeborah vanogona kupedzisira vave kuzvida nekuzvitsvagira mbiri. Hatina musha panyika. Kurarama haisi nyaya yezvaunga. Chaunga chinosarudza Bharabhasi, chichiramba Jesu.

Tiri panyika kuti tiite kuda kwaMwari, kwete kuti tidire makuvha mumagirazi, kana kukandirwa mawaya-waya nekuti chatiri kugaya imari nembiri.

Share This:

Sponsored Links