Gango rehuku mutakunanzva

28 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Gango rehuku mutakunanzva

Kwayedza

GANGO — unove musanganiswa wenyama yakasiyana seyemombe, yembudzi, yehuku kana yenguruve nemuriwo — raita mukurumbira munzvimbo dzekutandarira.
Gango rinogona kuitwa zvekugochwa kana kubikwa.
Svondo rino VaJoseph Shumba vekuSunningdale 2, muHarare vanotsanangura mabikirwo egango rehuku.
Zvinodiwa:
Zvikanganwa hama, matumbu, nzondora, zviropa zvehuku, hanyanisi, muriwo, matomatisi, munyu nemafuta neimwe nyama yehuku nepoto.
Mabikirwo:
Vesa moto wemarasha kana wehuni.Isa nyama yose kamwe chete mupoto yakasanganiswa.
Pota uchipindura kusvika zvaibva asi uchisiya zviine muto wakatsvukira.
Usaise godza muto kana masipaisi mugango.
Wozodii?
Kana zvadai chibura udye hako namambo.
Gango unogona kuridya nesadza kana rakadaro, zvido zvako kunyanya.

. Sunungukai kutumira zvamunoda kuti zvibude pachirongwa chino panhamba dzinoti +263 713 411 281.

Share This:

Sponsored Links