Uncategorized

Garwe benyu pamubhedha

24 Jun, 2016 - 00:06 0 Views
Garwe benyu pamubhedha

Kwayedza

Muporofita akabata garwe apo vamwe vaive vakatarisa. — Mifanidzo: Shelton Muchena

Muporofita akabata garwe apo vamwe vaive vakatarisa. — Mifanidzo: Shelton Muchena

. . . nemutumba wekamba ine chuma
‘. . . hama dzaamai vanondivengerei?’

MUKWESHWA wegarwe benyu nemutumba wekamba ine chuma nevhudzi rakafanana neremunhu kumakumbo kwayo zvakaonekwa zviri mumba pamumwe musha uri kumindamirefu yeMuzvezve 1, kuSanyati.Manenji aya akaitika pamba paMai Tendai Mugabe (44) vepaPlot 61 kwaWhite, avo vanotsinhira mashura aya vachiti nanhasi vari kutya zvikuru nezvavakaona.

Mai Tendai Mugabe vakaudza Kwayedza vari kumba kwavo kuKadoma kuti: “Chokwadi, inyaya yakaitika pamba pangu kumunda, zvisinei kuti ini ndinogara kuno uko kune imba yangu. Takaunza maporofita ayo akabata kamba mhenyu muhozi yaiva iine chuma nevhudzi revanhu mumakumbo nemumativi ayo.

“Garwe rakawanikwa muimba yangu yekurara pakati pebhesi yemubhedha nematiresi. Raitofamba!

“Zvinotyisa kuti ndairara pamubhedha waiva nechikara chakadai.”

Mukadzi uyu, uyo anova shirikadzi, anoti nyaya yekusamira zvakanaka kwemusha wake yakatanga kuburitswa nemusikana wake webasa uyo anonamata chechi yepositori uye wavanoti akatanga kuvaudza kuti pane zvinhu zvaiva pamba pavo, kusanganisira mishonga yakaipa iyo yakaiswa nehama dzavo.

“Musikana wangu webasa – You Chitunhu (18) – ndiye akatanga kutaura taenda kumba (kuSanyati) achiti pane zvaairatidzwa zvakaipa pamba apa. Akatosvika pakundirambidza kupinda muimba yangu yekurara apo takazotora maporofita maviri enguwo tsvuku kuti atishandire,” vanodaro.

“Kamba iyi yaiva hombe zvikuru uye garwe raiva rakareba kudarika mita. Maporofita aya akatanga nekuhozi apo takapinda navo vasina chavaiva vakabata ndokutanga kuchera simende kusvikira vabata kamba iyi.

“Vakatanga kunamata ndokudira mvura pamubhedha wangu apo vakazosimudza matiresi ini ndokuvhunduka zvikuru tichiona garwe raitofamba richishama. Rakaedza kuhwanda kuseri kwewodhiropu. Nguva apa dzaiva masikati kuma2.

“Apo garwe iri raida kutizira kuseri kwewodhiropu, mumwe wemaporofita aya akachema nemweya achirira nendimi ndokubata garwe iri nemawoko ake achibva arisimudza apo raida kumuruma. Vakazobuda panze vachibva vanorovera garwe iri pasi richibva rafa ipapo ipapo.”

Mai Mugabe vanoti kamba iyi yakaurayiwa zvakare nemaporofita aya, ayo akazotakura zvirombo izvi vachiti vainozvipisira kuNorton sezvo vaiti zvaisaita kuti vazviparadzire pamusha apa.

Mudzimai uyu murimi mukuru mudunhu iri uyewo anoenda kunze kwenyika achinohodha zvinhu zvekusvikotengesa muno.

Anoti maporofita anoti zvinhu izvi zvaibva kumusha kwemhuri yaamai vake kuGokwe zvichikonzerwa negodo nemararamiro ake nevana vake avo mumwe wacho ari kuUnited Kingdom.

“Amai vangu vakafa, saka ndangosarirwa nababa chete, VaParadzanai Mugabe vanogarawo kuGokwe. Handizive kuti hama dzaamai vangu vanondivengera chii. Izvozvi ndakavatumira tani yechibage kubva kupuroti kwangu,” vanodaro.

Vanoti vane mukoma wavo, Mai Tariro Mugabe, avo vari kuUK zvakare.

“Ndine rimwe dambudziko guru, mwana wangu Gayle Chiwara (18) anoti anoona murume akafanana nezimhuka rinotyisa richiuya kwaari richimudzipa.

“Anotizve anoona chinyahwe kana kuti chigure chinouya kwaari chichimudzipa izvo anoona oga. Izvozvi zvave nani, zvave kuita zvichipera.

“Anozhamba mwana uyu achiti ari kurohwa. Pavana vangu vatanhatu, iyeyu ndiye anorwara chete,” vanodaro Mai Mugabe.

“Kubva kushandirwa uko takaitwa, takapihwa mhiko dzekuti varoyi vasapinde mudzimba dzangu kupurazi nekuno kuKadoma. Asi ndakanzi muroyi anonetsa, zvinoda kuti tigare tichinamata.”

Dambudziko raGayle vanoti rava nemakore maviri uye vaneta nekufamba naye kumaporofita.

“Handichaziva kwekutizira sezvo kwandakaberekwa, kwaSabhuku Matewo kwaShe Chisina, kuGokwe, vembereko vasisade kundiona. Takaberekwa tiri vashanu tichiti Tariro Mugabe, inini, Talent Mugabe, Wiliam Musarurwa, naSpencer Dhlovu,” vanodaro Mai Mugabe.

Zvichakadai, Mai Tariro Mugabe, avo vanogara kuUK, vakaridzira mutori wenhau uno nhare vachimupopotera zvakasimba vachiti sei akanosvika kumba kwemunin’ina wavo kuSanyati vachitsvaga nyaya ino.

“Imi makanosvika kumba kwemunin’ina wangu kuSanyati maidei? Makasvikirei asiko, munonyanya makuhwa! Imi hamuzive chinhu chinonzi huroyi, zvitsva kwamuri?

“Ehe kwakabviswa kamba negarwe, hakusi kunyepa. Ndiyani akakupai nyaya iyoyo?” vakadaro apo vaidya marasha panhare.

Mudzimai uyu akashandisa nhamba dzekuUK dzinoti +44 7710 231 955.

Vachipa pfungwa dzavo panyaya iyi, Sekuru Elisha Mutanga vekuUshewokunze, muguta reHarare, vanoti zvinhu zvakabviswa pamusha pemudzimai uyu zvinogona kunge zviri zvikwambo kana kuti zvidhoma.

“Chidhoma kana chikwambo chinogona kusandurwa kuitwa mhuka imi mugoti mune mhuka musingazive kuti muri kugara nezvikara mudzimba.

“Zvakaita saizvozvi zvinogara zvakahwanda, imi varidzi vemusha musingazvione kana kuzviziva,” vanodaro.

 

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>