George anoonana naMai Chimanga

18 Sep, 2014 - 00:09 0 Views

Kwayedza

CHITSAUKO 14 (Ongororo: Enderero mberi)
Tinoona enzaniso dzichishandiswa kurunga mutauro. Mai Chimanga apo vainge vachifungisisa nezvaGeorge mundangariro mavo vaimuona “savaimuona muchionioni” (55).
Pavanenge vachizvibvunza vainge vakabatira mweya muchipfuva vasingabwairi “sokunge ainge azvibvunza mubvunzo wokuti baba vaMwari ndiani” (55).

Pavanotura mafemo vanoita izvi “sepwere yange ichichema” (55). Muchembere Mai Chimanga apo vanoruka zano ravo vanoziva kuti vanhukadzi vaviri vavari kuda vaigona kudyira chete “sehove” (55).

Apa mai Musekiwa vanotambira zibhegi rainge rauya naMai Chimanga, munhukadzi uyu anoita izvi achinyemwerera miromo “ikange ichatsemukira” (56).

Panotaurwa nezvezita rembwa rekuti Garikai, Mai Chimanga vanoshamiswa nazvo, vachinyemwerera “sembada iri kuona imbwa” (56).

Mai vaMusekiwa kutsanangura kwavanoti ndiko kuita kwamai vaYeukai mudzinhamo havambochemiwo sezvinoita mamwe madzimai vanongogumira mukuti boi boi kumeso kwakaoma “sekwemuroyi” (57).
Tinongonhongawo kudimikira pano nepapo.

Kwatinotanga kusangana nako tinokuona paPeji 55 uko kunotiratidza kuti Mai Chimanga vakafunga zvekunozvionera nemaziso avo vachinyatsogutsikana vopedza havi yavo yekuda kuziva panzvimbo iyo iye George womene ari, izvo zvinodimikirwa zvichinzi “kwakazoedza afunga kundopedzera nyota patsime” (55).

Amai vaMusekiwa vanoti zvinoti netsei kuti varege kugamuchira zvinhu zvavanenge vapiwa nemunhu anoratidza kusavafarira vachidimikira vachiti, “Zvinoti netsei mainini kurasa uchi une mavhu” (57).

Maererano netsika nemaitiro aMakate naKamukomba, tinonzwa Mai Chimanga vachiti, “Chii chakaita (baba vaYeukai) kuti vanonovakira pakati petsimbe dzavanonyatsoziva?” (55).

CHITSAUKO 15 ( Nyaya yacho)
Vasvika pana George, Mai Chimanga vanomuudza kuti rwendo rwavo rwangoita rwechivhurumukira vasina kunge varwugadzirira nekuti vainge vanzwa naMiriam kuti George anogaronzwa musoro. Muchembere anomubvunza kuti uri kukonzerwa nei George kwava kutadza kunyatsa kutsanangura, kwava kungoti dimbu dimbu zviitiko zvepamusha pavo.

Muchembere anoti kuparadzwa kwezvombo nemuriwo yaive nhau iri yoga nekuti chero munhuwo aigona kuzviita uyewo munhu anonzi imbavha kana abatwa, George ndokuzvitsigira achiti kana mai vaHazvinei vakadarowo kuti vaifanira kufungira chero munhu wose wechirume sezvo vakaona tsoka yeshangu yechirume.

George anoti aizviziva kuti Makate naKamukombe itsimbe ndokubva pasvika amai vaYeukai naTendai zvekuti Mai Chimanga vanotadza kupindura. Mai Chimanga vanozotevera muroora kwava kumuudza kuti ainge adya manonoko, zvizhinji zvavainge vauya nazvo vainge vapa vanamai Musekiwa pangosara chingwa chimwe chete chaachawana asi vachazozvigadzirisa pane imwe nguva.

Vava kubvunzwa nezvaGeorge, mai vaYeukai vanoti anogara achingonwa mapiritsi okunyaradza marwadzo.
Vachingodura zvehama dzakaita savanaMakate, mai vaYeukai vanoti pose pose pane vanhu kwose kwose panotaurwa. Panonzwika Kamukombe naMatake vachiimba vachibva kudoro ndokunanga kumba kwaamai Musekiwa.

Mai Chimanga vanonanga kune vaviri ava uko vaida kuzopedza shungu nehama dzavo. Makate azviona kuti twakakwidza  ndokubvunza kuti, kwakanaka here zvainge vari kurwara. Mai Chimanga vanovaudza kuti vapedze kudya vataurirane navo. Vanomuti vanoda kuziva kuti George vari kumuita sei pamusha ipapa. Makate kwava kuti ibasa raanowanza ramupedza sezvaaita.

(Enederero mberi svondo rinouya.)

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey