Gogo vofizuriswa ‘nemwana’ pabarika

03 Mar, 2017 - 00:03 0 Views
Gogo vofizuriswa ‘nemwana’ pabarika

Kwayedza

Tafadzwa Mutsotso —
PANE nyaya yemudzimai anogara kuEpworth, muHarare, iri kumatare edzimhosva uyo anoti shamwarikadzi yemurume wake — iyo ine zera nevazukuru vake — inogara ichimurwisa.

Anna Zimunya (66) wepanhamba 172 Muguta, Epworth, akamhan’arira Maria Mhlanga (26) kuHarare Civil Court achiti ari kumushaisa zororo. Zimunya anoti Maria haana rukudzo naye zvisinei nekuti izera revazukuru vake. “Mambo wangu, mwana uyu haana matyira zvachose. Nezera rake irori anodanana nemurume wangu wekuti kana vari vese vanoita sokuti ndisekuru nemuzukuru. Zvinondishungurudza nekuti anouya kumba kwangu achindituka nemashoko anonyadzisira andisingagone kana kutaura nemuromo wangu uyu,” akadaro Zimunya.

Akaenderera mberi achiti: “Anondituka achinditi ndiri chembere, handina chimiro chakanaka uye ndasauka, ndiko saka ndakaroorerwa mudzimai wechipiri wechidiki.

“Haatombooni kuti ini ndiri zera rambuya vakabereka amai vake chaivo. Ndinoda kuti arambidzwe kusvika kumba kwangu, azviitire upenyu hwake ini ndichiitawo zvangu.”

Akati Mhlanga akambomuvinga kumba kwake ndokusvikomudzipa pahuro.

“Rimwe zuva akauya kumba kwangu mangwanani chaiwo akavhura musiwo ndokupinda mumba. Achingonditi ba-a kundiona, akabva andikwakukira ndokundibata muhuro achinditi ndinoda kuti undiuraye nhasi chaiye, ukasandiuraya ndini ndokupedzisa.

“Saka ini zvangu ndave kutya kuti munhu ane hunhu hwakadai agare achisvika pamba pangu nekuti handizivi zvaanondifungira,” akadaro Zimunya. Achipawo divi rake, Mhlanga anoti aive mudzimai wechipiri wemurume waZimunya.

“Maiguru zvavari kutaura manyepo nekuti vanozviziva kuti ndiri mukadzi wechipiri. Pandakatoenda kumba kwavo ndaisava nechinangwa chekuvagodora kana kuvarwisa asi kuti ndaida mari yechikafu sezvo murume wedu aisanzwa zvakanaka saka aisakwanisa kutyaira motokari kuti auye asiye mari yechikafu kumba,” akadaro Mhlanga.

Anoti Zimunya ndiye anotomurwisa. “Ndivo vakatondirova pandakasvika. Zvekuti ndakazovarwisa ndikati vandiuraye manyepo. Asi, handina dambudziko kana chikumbiro chavo chikagamuchirwa nekuti ini ndagara kumba kwavo handingosvika,” akadaro. Mutongi Sharon Rakafa akapa Zimunya gwaro rerunyararo.

Share This:

Sponsored Links