Gogo, zvidhoma zviri right!

12 Sep, 2014 - 09:09 0 Views
Gogo, zvidhoma zviri right! MBUYA Munemo vachitaridza makondomu ayo vanoti aifuridzwa nezvidhoma. - Mifananidzo naMalvern Mugadzikwa

Kwayedza

GOGO, ndakaverenga nyaya yenyu muKwayedza yesvondo rakapera ndikapera simba. Zvidhoma kuitira tsvina mundiro nemupoto here gogo? Ndakanzwa tsitsi zvikuru pamusoro pekushaiswa kwenyu mufaro nerugare nezvidhoma. Nyaya yenyu gogo ifirimu chairo, asi chete iri ifirimu riri kutoitika chaizvo izvo zvekuti ndizvo zvinoita kuti nyaya yenyu irwadze.

Chinoita kuti tinakidzwe nemafirimu atinoona vamwe vachirwadziswa nekuurayiwa inyaya yekuti hatisi isu tinenge tichioneswa moto. Asi ndichiverenga nyaya yenyu gogo, pane zvinhu zvandakaona kuti zvinogona kunge zvichipa zvidhoma zviri kukutambudzai simba.

Gogo, kunze kwekukurovai nekukunyadzisai zvichikubvisai hunhu, zvidhoma izvi zviri right uye zvinoziva.

Sei ndiri kuti zvidhoma zviri right gogo? Muri kuti imi munoedza kunamata, asi zvidhoma zvobva zvakubvunzaI kuti, “unonamata Mwari ndiani wako?” Ipapa gogo ndipo pamuri kuda kubatsirwa nezvidhoma. Zvidhoma zviri kuziva zvinhu zvamusiri kuziva.

Gogo, zvidhoma zviri kutoshaya kuti muri kuzvifambisa sei kuti munoti mune shave renjuzu, asi panguva imwe chete moda kunamata Mwari. Zvidhoma zvinoziva kuti hakuna munhu anonamata Mwari iye ari bhegi remweya yezvimwe zvinhu zvakaita senjuzu. Zvinoziva kuti hakuna minamato inonzwikwa naMwari kana munhu achisanganisa zvitendero.

Gogo, zvidhoma zvinozviziva kuti hamusi mwana waMwari saka hamungashevedze Mwari kuti akurwirei akakunzwai. Mwari anoda chaizvo kukubatsira nekuti mamuri mune mweya wake, asi kana musati magamuchira Jesu, mukareurura nekusiyana nezvenjuzu, zvidhoma zvicharamba zvichikuitai party.

Gogo, mubhaibheri kune vamwe vanhu vakaedza kurwisana nemadhimoni asi kufanana nemi, vakakundwa.

Vakanyadziswa vakamhanyiswa vasina kupfeka nekuti vakanga vachida kushandisa zita raJesu, asi ivo vasiri vanhu vaJesu.

Gogo, kuedza kunamata kwenyu imi muine shave renjuzu kwakafanana nekunzwa kuti Tsvangirai ari kuedza kupinda mumusangano weZanu-PF. Vanhu veZanu-PF vanoziva kuti Tsvangirai ndewe bato rinopikisa, reMDC, saka havadyidzane. Ndicho chikonzero chiri kuita kuti zvidhoma zvikubvunzei kuti “Mwari ndiani wako?”

Zvinoziva kuti hamuna hukama naye nekuti mune hukama nenjuzu. Kana mukamanikidzira kuramba muchinamata imi musina hukama naMwari zvidhoma izvi zvinogona kukukuvadzai kana kukuurayai nekuti zvinoziva simba rina Mwari.

Gogo, kana muchida kuti munamate kuna Mwari zvekuti zvidhoma zvinonyarara kuti zii, uye zvibva zvatiza, rambai shave renjuzu. Kana muchinge madaro mogamuchira Jesu semuponesi wenyu. Ropa raJesu rikakugezai nekukufukidzai gogo, kana nemi munotozoseka zvidhoma zvikasvotwa.

Shoko raMwari rinoti, “Vese vakatenda, akavapa simba rekuti vanzi vana vaMwari.” Mwari vanokudai gogo, uye tizirai kuna Jesu muwane rugare.

Imwe nyaya gogo ndeyekuti zvimwe zvinhu zvatinovimba nazvo muhupenyu hazvibatsire. Gogo kana muchisvikirwa neshave renjuzu, njuzu dziri kudii kukubatsirai panguva yekumanikidzwa yamakatarisana nayo iyi?

Zviri pachena kuti zvidhoma zvakazviona kuti njuzu dzenyu hadzina simba kana rubatsiro. Gogo, muri kutoudzwa kuti mutsvage Mwari anogona kukubatsirai. Tsvagai Jesu gogo, kana mave waJesu anoita zvaakataura kuti, “Dana kwandiri pazuva rekutambudzika, ndichakurwira iwe ugondirumbidza.”

Kana David akanga ari musoja mukuru kwazvo akati, “Jehovha ndiye mufudzi wangu, kunyange ndikafamba nemumupata wemumvuri werufu handingatongotyi.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey