Goho regorosi rodzikira: Marapira

20 May, 2016 - 00:05 0 Views
Goho regorosi rodzikira: Marapira

Kwayedza

Yvonne Chidochashe Manyanja
MUTEVEDZERI wegurukota rezvekurima rinoona nezvezvirimwa, Cde Davis Marapira, vanoti Hurumende iri kushushikana zvikuru nekudzikira kuri kuita goho regorosi uye panofanira kutorwa matanho akasimba ekugadzirisa dambudziko iri.

Vachitaura svondo rapera apo vaimema nzvimbo inouchikwa mbeu dzakasiyana yeRattray Arnold Research Station kuShamva – pachiitiko chaikotsverwa nekambani huru mukuuchika mbeu munyika yeSeed Co – Cde Marapira vanoti varimi vanofanira kutanga kugadzirira mwaka wegorosi unotevera izvozvi.

“SeHurumende tinoshushikana zvikuru nekuderera kuri kuita goho regorosi. Ichokwadi kuti kune mamwe matambudziko ari kusanganikwa nawo izvo zviri kukanganisa goho rechirimwa ichi ayo anosanganisira kushomeka kwemagetsi, mari yekushandisa nezvekushandisa zviri kuita kuti kurimwa kwegorosi kuderere.

“Asi tinofanira kushanda nesimba mukukurudzira varimi kuti varime chirimwa ichi icho chinofanirwa kudyarwa kubva muna Kubvumbi kusvika Chivabvu,” vanodaro.

Zvakadaro, Zimbabwe gore rega-rega inotenga matani anosvika 185 000 egorosi kubva kune dzimwe nyika uye pagore nyika ino inoda matani 400 000 echirimwa ichi.

Mwaka wadarika, gorosi rakakohwewa munyika yose raive matani 61 261.

Vachitaurawo pachiitiko ichi, chamangwiza wekambani yeSeed Co, VaDenias Zaranyika, vanoti donzvo ravo ndere kubura mbeu itsva dzakasiyana dzinopa goho guru, dzinotiririra kuzvirwere nekusanduka kwemamiriro ekunze.

“Chinangwa chedu chikuru panzvimbo yakaita seino ndechekubura mbeu itsva dzinosimudzira goho nekupa pundutso kuvarimi,” vanodaro VaZaranyika.

Vanoti zvimwe zviri kuderedza goho revarimi zvinosanganisira kunonoka kudyara, kudyara mbesa dzisingawirarane nematunhu avanorimira pamwe nekutadza kurwisa zvirwere.

Prof John Derera vanove nyanzvi mutsvakurudzo yezvirimwa paRattray Arnold Research Station vanoti zvakakoshawo kuti varimi varime mbesa dzakaita sesoya bhinzi idzo dzinopa mari yakawanda zvikuru.

“Kurima ndiwo musimboti wenyika yedu saka tinofanira kudzidzisa varimi vari kumamisha pamwe nevari kumapurazi kuti vanofanira kurima soya bhinzi nekuti dzinounza mari yakawanda. Dzakanakira kuti dzinogona kuchinjaniswa nechibage sekuti rimwe gore munhu anogona kurima chibage rimwewo orima soya bhinzi izvi zvinoita kuti ivhu riwane kudya kwakanaka. Soya bhinzi dzinoshandiswa zvakasiyana, hupfu hwacho hunogona kubikiswa chingwa uye dzinogadziriswawo mukaka unogona kupihwa kana kuvana vacheche,” vanodaro Prof Derera.

Share This:

Sponsored Links