Goiliat naGoliat dhuma!

24 Feb, 2017 - 00:02 0 Views
Goiliat  naGoliat dhuma!

Kwayedza

Abel Ndooka —
ZVIKWATA zvinoti Dynamos neCAPS UNITED hapana chikuru kana chidiki asi kuti zvose zvakaenzana uye pose pazvinosangana panotsva demo pagosara mupinyu.

Aya mashoko akataurwa nemutevedzeri wemurairidzi weCAPS United – Fungai ‘Tostao’ Kwashi – nemusi weChipiri apo paiparurwa mutambo weZimbabwe National Army Charity Shield Tournament uyo uchaona chikwata ichi chichisangana neDynamos FC kunhandare yeNational Sports Stadium nemusi weSvondo.

“Tinoziva zvikuru kuti pose patinosangana neDynamos panotambwa nhabvu inodakadza uye tinenge tichitoda kuuraya chaizvo.

“Isu tinenge tichida kuvauraya ivo vanenge vachida kutiuraya, saka kuchanakidza neSvondo. Hapana chikwata chidiki apa zvose zvihombe ndiGoliat naGoliat,” anodaro Tostao.

Nekune rimwe divi, kaputeni weDynamos FC – Ocean Mushure – anoti DeMbare icharwa semvumba kuti ihwine mutambo uyu.

Mushure anoti pose panosangana zvikwata zviviri izvi kunyangwe zvikanzi zvirwire chigubhu chisina chinhu chaicho zvinenge zvichitoda kurakidzana hukuru.

“Tagadzirira kupinda mumutambo uyu, kwatiri wakatikoshera uye ticharwa kuti tikunde.

“Sekuziva kwamunoita, pose patinosangana neKepe-kepe kunyangwe zviri kunzi tiri kutambira chigubhu tinotamba zvekupotsa takuvadzana nekuti tose tinenge tichida kuhwina,” anodaro Mushure.

Zvakadai, mutambo weZNA Charity Shield wegore rino uchaonawo zvakare Highlanders ichisangana neFC Platinum kuBabourfields, kuBulawayo.

Zvikwata zvichahwina mumitambo miviri iyi zvichafambira mberi kuenda kufainari iyo ichazoviswa munguva inotevera.

ZNA iri kukosvera mutambo uyu nemari inosvika $60 000 uye chikwata chichahwina chichaenda kumba ne$12 000 kozoti chichakundwa chowaniswawo $8 000.

Major-General Douglas Nyikayaramba vanoti chinangwa chikuru chemutambo uyu ndechekutsvaga mari yekusimudzira zvirongwa zveZNA zvekubatsira mapoka akasiyana anosanganisira ZNA Widows and Orphans Fund, ZNA Schools Welfare Trust, Army Patients Welfare Fund neZNA Benevolent Fund.

Vanoti gore rino ZNA iri kuda kutsvaga mari inosvika $100 000 yekusimudzira zvirongwa zvayo.

“SeZNA, tine zvirongwa zvakasiyana zvatinotsigira saka tiri kutsvaga mari kuti zvifambire mberi. Kare, mutambo wedu wenhabvu wataironga – kunyanya wegore radarika – waive nezvikwata zvisere asi wegore rino tadzikisa zvikwata kuti zvive zvina nekuda kwekuti tiri kuedza kuchengetedza mari yatinenge tawana mumitambo iyi,” vanodaro.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kana zvakafamba zvakanaka, tinoda mari inosvika $100 000 yekufambisa zvirongwa izvi.

“Zvikwata izvi zvamunoona zvichakwikwidza zviri kutoitawo basa rekushambadza mitambo iyi. Saka vatsigiri ngavauye vakawanda vazotitsigirawo.”

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey