Gomarara ravashungurudza

16 Dec, 2016 - 00:12 0 Views
Gomarara ravashungurudza

Kwayedza

‘Ndamirira kufa hangu’

MUDZIMAI wechidiki wekwaNyashanu, kuBuhera, ayaura negomarara repazamu iro rapararira nemuhapwa, zamu zvekusvika pakuda kutodambuka zvichiita kuti agare akavharirwa mumba nemurume wake nekuda kwekushaya zano rekuita.Kundayi Pome (31) anoti ararama nedenda regomarara kubvira mugore ra2010 uye anogara achibuda hurwa paronda rezamu iri achingorigeza nemvura isina kana mushonga.

Mukadzi uyu anogara nemurume wake, Samson Masisimani (38), uye vane mwana mumwe chete ari kuita Grade 1.

Pome anoti akambonorapwa kuHarare Central Hospital nekuParirenyatwa Group of Hospitals mugore ra2014 ndokunge anzi zamu iri ribviswe. Izvi hazvina kuitika sezvo akashaya mari yekubhadhara kuchipatara.

“Tarisiro yekurarama handichina nekuti ndave kungogara muno mumba ndichirwadziwa. Kufamba handichagona nekudaro hapasisina basa randinokwanisa kuita.

Kundayi Pome achiratidza ronda riri pazamu rake.

Kundayi Pome achiratidza ronda riri pazamu rake. (Mufananidzo naShelton Muchena)

“Zamu rangu rekuruboshwe iri rinobuda hurwa nemvura yakawanda. Ndinorwadziwa zvikuru, ndinogara ndichidzinga nhunzi nguva nenguva. Dai ndaiwanawo rubatsiro rwekuti ndipore, ndikwanise kuriritira mhuri yangu zvaiva nani,” anodaro. Anoti mwana wavo anombotambura nekushaya anomubikira sezvo dzimwe nguva murume wake anenge asipo, aenda kumabasa emaricho.

“Dambudziko guru nderekuti handina mari, apa ndinoda kuenda kuchipatara. Ndinogara ndichituma vanhu kunozivisa nhengo yedu inotimirira (Buhera North) mudare reNational Assembly, Cde William Mutomba. Handifungi kuti dambudziko rangu iri vangatadze kundibatsira nekuti ndakambonzwa vachibatsira vanhu vakawanda,” anodaro.

Zvisinei, mudzimai uyu haana ruzivo rwemari inodiwa kuti arapwe.

“Dambudziko rangu rakatanga apo ndakamera kabundu muhapwa ako kakazoguma kava pazamu, bundu ndokukura rakaomarare kuita sedombo. Rakazoputika rikaita ronda kusvika zvarava.”

Pome anoenderera mberi achiti: “Ndaenda kwakawanda, kubvira kudzin’anga, maporofita, iko kumakiriniki nezvipatara asi hapana chinobuda. Ndangomirira kufa zvangu.”

Wonai Zvizere pavideo iri pazasi


Zvichakadai, Cde Mutomba pavakataurirwa nezvedambudziko remudzimai uyu, vakavimbisa kutora matanho ekumubatsira nekukasika.

“Vanhu vakarwara ngavaende kuzvipatara, izvo tinotarisira kuti munhu wose anowana neasingawane aite. Ikodzero yemunhu kuti arapwe.

“Ndichaona kuti ndatuma vanhu kumusha ikoko vanonoona mamiriro ezvinhu kumurwere uyu. Kurema nekureruka kwazvo, tinotarisira kuti matambudziko akadai tiazive sevamiriri vemuParamende.

“Ndizvo zvatinosarudzirwa neveruzhinji, vanoitira kuti tigova maziso eHurumende tichiona matambudziko evanhu,” vanodaro. Murume waPome, Samson Masisimani, anoti apedza kutengesa zvipfuyo zvinosanganisira mombe, mbudzi nehuku achiedza kurapisa mudzimai wake.

“Ndave kutotsvaga vanokwanisawo kundibatsira nekuti ini ndapererwa. Kuchipatara chedu cheMurambinda District Hospital ndakamboenda naye tikadzoswa tashaya mari.

“Iye zvino kana chekudya chaicho muno mumba hatina. Mbatya chaidzo tapedza kutengesa tichitsvaga kurarama, apa ini handishande,” anodaro Samson.

Munin’ina wake, Tinashe (29), anoti vapererwa nezano nekuda kwedenda remuramu wake.

“Hazvirevi kuti hatina chido chekurapisa amaiguru vangu asi kuti tapererwa. Izvozvi kana wekutaurira hatina kunze kwenyu imi (vatori venhau) matouya kubva kuHarare,” anodaro Tinashe.

Amai vaPome, Mbuya Keresiya Kwenda (71), avo vakawanikwawo neKwayedza vashanya kunopepa mwanasikana wavo, vanoti chishuwo chavo ndechekuti dai mubvana wavo awana vanomubatsira.

“Mwanasikana wangu arwadziwa kwenguva refu. Tatoshaya nezano pano nevakuwasha wangu,” vanodaro.

Kune vanoda kubatsira Pome vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0777 067 615.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey