Gomarara redundiro

21 Jul, 2017 - 00:07 0 Views
Gomarara redundiro

Kwayedza

SVONDO rapera takatsanangura pamusoro pegomarara remuchibereko, iro riri kukonzera zvirwere pamwe nendufu kune mamwe madzimai muZimbabwe.

Vhiki rino tinokupai tsananguro pamusoro pegomarara rinodaidzwa kuti prostate cancer pachiRungu (repadundiro), iro riri kukonzerawo ndufu kuvanhurume pasi rose.

Gomarara iri rinowanikwa pedyo nedundiro revanhurume.

Zvakakosha kuziva kuti kuvhenekwa gomarara nguva ichiripo pamwe nekuziva paumire maringe neHIV zvinodzivirira ndufu.

Gomarara redundiro ndiro rinonyanyobata vanhurume uye rinokura zvishoma nezvishoma.

Hazvisati zvave kunyatsozivikanwa kuti gomarara iri rinokonzerwa nei.

Gomarara iri rinotanga apo macell emudundiro anenge asina kuita zvakanaka zvinoita kuti awande kupfuura huwandu hunotarisirwa.

Macell anenge akura nenzira isingatarisirwe aya anoramba achirarama apo mamwe anofa izvo zvinoita kuti pave nechibundu chinenge chichikura chichienda panyama inenge iri pedyo.

Mamwe emacell aya anokwanisa kupatsanuka opararira kuenda kudzimwe nhengo dzemuviri.

Zviratidzo:

Hapana zviratidzo zvinoonekwa kana gomarara iri richitanga.

Zviratidzo zvegomarara redundiro kana rave padanho repmusoro zvinosanganisira zvinotevera:

◆ kunzwa kuda kurasa mvura nguva nenguva

◆ kuita dambudziko pakurasa mvura

◆ kusanzwa zvakanaka panguva yekurasa mvura

◆ kuburitsa ropa kana mbeu yababa panguva yekurasa mvura

. kunzwa marwadzo pasi kana pamusoro pezvidya.

Zvisinei, zviratidzo izvi hazvireve kuti unenge uine gomarara, asi ukanzwa chimwe chezvazvo, enda unoona chiremba.

Vari panjodzi:

◆ njodzi yekubata chirwere chegomarara redundiro yakanyanya kuvarume vechikuru. Vanhurume vari mumhuri dzinozivikanwa nekubatwa nechirwere ichi vanofanira kuvhenekwa pavanosvika makore 40 okuberekwa uye nepamakore 50 kune vamwe vose

◆ kana mumhuri mako muine mumwe ane gomarara iri, uri panjodzi yekubatwa nechirwere ichochi.

◆ vanhurume vechitema vari panjodzi huru yekubatwa nechirwere ichi kana zvichienzaniswa nemamwe marudzi, uye hazvisati zvave kuzivikanwa kuti sei zvichidaro.

Kuvhenekwa:

◆ unokwanisa kuvhenekwa kuburikidza nekutorwa ropa nenzira yeProstate Specific Antigen (PSA test)

◆ unogona kuvhenekwa zvakare pachishandiswa nzira yeDigital Rectal Exam (DRE) apo chiremba anoshandisa mawoko ake kuti aone mamiriro anenge akaita dundiro rako.

Zvakakosha kuti unge uchivhenekwa pamwe nekuziva paumire maringe neHIV. Ukarapwa nguva ichiripo, zvinobatsira utano hwako.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey