Gomarara romudya tsoka… Anoda $450 yekuti arapwe

05 Jan, 2018 - 00:01 0 Views
Gomarara romudya tsoka… Anoda $450 yekuti arapwe

Kwayedza

Muchaneta Chimuka
MUKOMANA wekwaGutu ari kutsvaga rubatsiro rweUS$450 yekuti anorapwa chirwere chegomarara riri pagumbo kuSouth Africa. Alfred Pedzisai Mubaiwa (18) ange achimboshandirwa nemumwe muporofita kuChitungwiza padenda rake iri.

Amai vake, Mary Maganya, vanoti gumbo remukomana uyu rakatanga nekuzvimba nechepachitsitsinho apo vakafungidzira kuti raive mota vachibva vaenda naye kuchipatara mushure memwedzi richiramba kupora.

“Mushure memwedzi gumbo iri rakazvimba, ndipo patakazoenda kuchipatara kuBulawayo. Chiremba vakamuvheneka vakati igomarara asi hatisati taziviswa kuti nderemhando ipi.

“Pavakamucheka vachifunga kuti imota, akabuda hurwa neropa mushure mezvo ndipo pakazotanga kubuda nyama dzakaungana kunge matumbu kana kuti hohwa hwematifi huya.

‘‘Kusvika nanhasi haasati apora uye zvave kumukanganisa dzidzo,” vanodaro. Vanoti vari kutsvaga rubatsiro rwekuti mwana wavo anorapwa kuSouth Africa.

“Takamboendesa mari iyi iri maBond Notes kuSouth Africa ikadzoswa zvichinzi pari kudiwa maRands saka tapererwa nekuti mari yacho hatina,” vanodaro VaBoysen Mubaiwa, avo vanove baba vaAlfred.

Mhuri iyi inogara kuNyazvidzi Farm kwaGutu uye vanoda kubatsira mukomana uyu vanoridza nhare panhamba dzinoti 0773 046 273.

Share This:

Sponsored Links