Gonye reTuta mumadomasi

20 Oct, 2017 - 00:10 0 Views
Gonye reTuta mumadomasi

Kwayedza

Elizabeth Benjamin —
PRIME Seed Co ikambani inotengesa mbeu dzemiriwo (vegetables) dzakasiyana-siyana pamwe chete nembeu dzemafuro ezvipfuyo.

Prime Seed Co inozivikanwa nekutengesa mbeu dzakauchikwa zvemhando yepamusoro, dziya dzinodaidzwa kuti mahybrids. Mahybrids akanakira varimi nokuti anopa goho repamusoro uye riri remhando inoyevedza (good quality), zvokuti mutengi anotomhanyira iwo mahybrids pamusika.

Goho rinobva pambeu yemahybrids rinogara nguva yakareba risati rakanganisika. Izvi zvakanakira murimi nokuti kana miriwo yacho yakawandisa pamusika, anokwanisa kumbomira kutengesa goho rake zvichizomupa mukana wekuita mari kana mitengo yakwirira.

Prime Seed Co inokurudzira varimi kuti pese pavanoda kutenga mbeu dzemiriwo, ngavatange vabvunza nezve hybrid yembeu yacho. Kune vamwe varimi vanowanza kumhanyira kutenga mbeu nokuda kwekuti dzinenge dzakaderera pamutengo kudarika mahybrids. Aiwa varimi, akupanga zano ndewako, zvakachipa zvinogona kuzokudhurira kumunda nokuda kwekuti zvinenge zvoda kufiritwa rusingaperi.

Vhiki rino tinokurukura pamusoro pegonye ratekeshera nenyika yose yeZimbabwe iro rinoderedza kana kuparadza goho remadomasi. Gonye iri rinonzi Tuta absoluta (muchidimbu tichangoridaidza kuti Tuta). Gonye reTuta rinonzi rakatangira kuSouth America richibva razopararira kune dzimwe nzvimbo dzinosanganisira Europe neAfrica.

Muno muZimbabwe rakatanga kuonekwa muna2016 gore rave kunopera.

Zvirimwa zvinokakanganiswa neTuta:

Tuta igonye rinonyanya kukanganisa zvirimwa zviri muboka rinodaidzwa kuti Solanancea. Zvirimwa izvi ndizvo zviya zvakaita semadomasi, mbatatisi (potato), peppers, eggplant nefodya (tobacco). Pane zvirimwa zvese izvi, madomasi ndiwo anononyanya kukanganiswa neTuta kudarika zvimwe zvose.

Kurarama kweTuta:

Tuta inorarama sezai, umo munozobuda gonye (larva), yoita pupa yozoita chipembenene (adult moth). Tuta inokwanisa kurarama (life cycle) kwemazuva makumi maviri nemasere kusvika pamazuva makumi matatu nemasere (28-38 days) zvichienderana nemamirire ekunze. Izvi zvinoreva kuti mushure memwedzi wega wega Tuta inokandira mazai. Chipembenene chimwe chete chinokwanisa kukandira mazai anosvika kana kupfuura mazana maviri nemakumi mashanu (250 eggs).

Gonye reTuta rinorarama mumadomasi riri pakati pemashizha, mudzinde (stem) kana mudomasi chairo (fruit).

Tuta rinokuvadza chirimwa chemadomasi sei?

Nhengo dzese dzechirimwa chemadomasi dzinogona kuvadzwa neTuta, kusanganisira pamoyo panotunga mapazi, mashizha, mapazi, pamwe chete nemadomasi acho chaiwo. Uye chirimwa chemadomasi chinogona kukanganiswa pamazera ese kubva mbeu dzichangomera dzichiri munesi kusvikira pakukohwewa nekubvisa chirimwa chacho mumunda.

Gonye reTuta rinopinda pakati pemashizha robva rakanganisa kugadzirwa kwechikafu (photosynthesis) mumashizha iwayo. Mashizha anozooneka ava nemadzvanga akasvibira kuratidza nzvimbo dzinenge dzatofa. Zvakare nzira inofamba nechikafu nemvura inobva yakanganisika muchirimwa chemadomasi, izvi zvotadzisa mbesa kubereka vana vakawanda.

Tuta rikapinda mudomasi zvinoita kuti madomasi acho aore uye nzira yarinopinda nayo inenge yatovhurika zvichiita kuti humwe hutachiwona hupindewo.

Kuchengetedzwa kwechirimwa chemadomasi kubva kuTuta (Management practices):

Huvepo hweTuta muchirimwa chemadomasi hunogona kutanga kuonekwa nekushandisa mapheromone traps. Aya akaita semariva asi anobata zvipembenene zvikono zveTuta. Izvi zvinoreva kuti zvipembenene zvikadzi zvinozopedzisira zvokandira mazai asina kusvika (infertile eggs) asingazoburitsi mamwe makonye. Matraps aya anobatsira varimi vemadomasi kuti vatange kuona kuti Tuta yavamo here muchirimwa chavo uye kuti ine huwandu hwakadini.

Kana muri mugreenhouse, varimi vanokwanisa kushandisa maneti uye kuona kuti mikova yese inogara yakavharwa nekuti Tuta inokwanisa kupinda nepese panenge pakashama.

Tuta inokwanisa kuparadzirwa zvirinyore nevanhu kuburikidza nemabasa anobatwa nevanhu mumunda. Nokudaro, varimi vanokurudzirwa kuti vatange kushanda muminda isina Tuta kana minda ine zvirimwa zvidiki vozoenda havo kuminda ine zvirimwa zvakura kana kuti kunenge kune Tuta yakawanda. Zvese zvinoshandiswa mumunda wemadomasi kusanganisira mapadza nezvipfeko zvinofanirawo kunyatsosukwa zvichinyikwa mumushonga kuti Tuta isachengeteka pazvinhu izvozvo.

Zvakakosha kuti varimi vemadomasi vari panzvimbo imwe chete vabatirane pamwe pakuchengetedza mbesa dzavo kubva kuTuta nokuti chero mumwe murimi akaita zvakanaka kudzivirira Tuta, inokwanisa zvakare kuuya nekukasika kubva muzvirimwa zvevamwe varimi vari munharaunda iyoyo.

Varimi vanofanira kubvisa madomasi (fruits) ese anenge apindwa neTuta vobva vamacherera pasi. Vakamasiya arimo mumunda Tuta inoramba ichirarama maari ichiwedzera kuwanda. Kuchinjaniswa kwembesa dzakasiyana mumunda (crop rotation), nekudiridzirwa zvakanaka pamwe chete nekuona kuti mbesa dzemadomasi dzine kudya kwakakwana zvakakosha mukuderedza dambudziko reTuta.

Pane mishonga yakawanda inokurudzirwa kuti varimi vashandise kuuraya Tuta. Tuta chipuka chinokasika kujairira mushonga unenge washandiswa kufirita. Nokudaro, chakakosha kuvarimi ndechekuti vashandise mishonga iyi vachiichinjanisa kuitira kuti Tuta isajairira mhando imwe kana mbiri dzemishonga. Kunzwa zvizere nezvemishonga inouraya Tuta, varimi vanokurudzirwa kubvunza madhumeni kana vashandi vemakambani anogadzira mishonga.

VePrime Seed Co vanokurudzira varimi kuti kana vachida kuwana rubatsiro ruzere maererano nedambudziko reTuta mumadomasi, ngavabvunze madhumeni ePrime Seed Co akatekeshera nenyika yose.

Nembeu dzePrime Seed Co unoita mari! 

  • Elizabeth Benjamin murimisi kuPrime Seed Co.

Share This:

Sponsored Links