Gore rino hazvikoni: Mangwiro

29 Aug, 2014 - 09:08 0 Views
Gore rino hazvikoni: Mangwiro

Kwayedza

MURAIRIDZI weCAPS United Taurai Mangwiro anoti chikwata chake chinofanirwa kusunga dzisimbe mumitambo yacho yese yasara yemuPremier Soccer League kuti chive nemukana wakakura wekusimudza mukombe wegore rino.

CAPS United yakagara pechina muligi reCastle Lager Premiership uye ine zvibodzwa 37 kubva pamitambo 21 apo yakasiiwa nezvibodzwa zviviri neDynamos FC iyo iri pamusoro peligi iri.

Kepe-kepe, sezita remadunhurirwa reCAPS United, yakapedzisira kusimudza mukombe weligi mugore ra2005 uye gore rino vatsigiri vayo vane tarisiro huru yekuti chikwata ichi chinogona kudzora ndangariro dzemuna 2005 apo Charles Muhlauri akatungamira chikwata ichi kuve shasha yemuZimbabwe.

Muhurukuro naMangwiro svondo rino, akati chikwata chake chave nemakore mazhinji chichingoomberera mawoko zvimwe zvinenge zvahwina mukombe uyu saka gore rino vacharwa semvumba kuti vabvutire mukombe uyu kubva kuDeMbare.

Mangwiro anoti zvakakosha chaizvo kuti chikwata chavo pamwe nevatsigiri vasatarise zviri kuitika kuDynamos FC pamwe nezvimwe zvikwata asi kuti vafunge zvekubatsira CAPS United kuti ihwine mitambo yayo.

“Nguva yareba tisina kumbohwina mukombe weligi saka ndicho chinhu chikuru chatiri kushanda kuti tigadzirise kuchikwata chedu.

“Tiri kusevenza nesimba kuti tipedze nzara yekusahwina mikombe, gore rino tinoda chaizvo kuhwina ligi, ndozvandinoshuvirawo nechikwata changu ichi.

“Zvakakosha chaizvo kuti tikavire bhora mberi nekuti kana tichitarisa patakagara muligi tiri pakanaka chaipo apo panotibatsira  kuti tikwanise kuhwinawo mukombe uyu.

“Chinhu chikuru kurova bhora sebhora, hatifanirwe kutarisa zviri kuitika kuDeMbare, tinofanirwa kutarisa zviri mumba medu chete.

“Hongu, takakundwa neDeMbare asi zvakatopfura kare ngatifambire mberi, iyo DeMbare yacho iri kukundwa nezvikwata zvepasi saka isu tinofanirwa kushandisa mukana uyu kuti tiende pamusoro peligi,” akadaro Mangwiro.

Kunyangwe hazvo CAPS United yakagara pechina muligi, Mangwiro anoti mitambo yasara yakaomera zvikwata zvizhinji nekuti zvichange zvave kurwira kuti zvisabude muligi uye zvimwe zvichirwira mukombe.

“Iye zvino bhora ndipo parazotanga manje, apa ichange iri warumwa warumwa, kana ukakundwa chete watosara.

“Zvikwata zvese zvave kurwira zvakasiyana saka unotofanirwa kusimba nekuti kana ukasadaro unozviruza,” akadaro Mangwiro.

Zvakadaro, CAPS United svondo rino ichasangana neBantu Rovers mumutambo uyo Mangwiro anoti chikwata chake chinofanirwa kuhwina.

Kepe-kepe nguva iri kutevera ichasangana zvakare neHighlanders pamwe neZPC Kariba.

“Mitambo yedu yese yasara tinotofanirwa kuihwina chete. Kuti tive shasha dzemuno tinofanirwa kutora zvibodzwa zvese,” akadaro Mangwiro.

 

Share This:

Sponsored Links