Governor anodawo rubatsiro

15 Aug, 2014 - 00:08 0 Views
Governor anodawo rubatsiro

Kwayedza

Heal1

Governor Sibanda

Yvonne Chipato
MUKOMANA ane makore 26 okuberekwa wekwaManjoro, kuGokwe North ari kutsvaga rubatsiro rwekuti akwanise kurapwa chirwere chemoyo icho chamutambudza kwemakore 25.Governor Sibanda anoratidzika semwana wemakore 15 okuberekwa nekuda kwechirwere chamutambudza ichi.

Mukomana uyu akashanyira mahofisi eKwayedza svondo rapera achiperekedzwa naamai vake, Mai Elizabeth Chelo.

Mai Chelo vanoti dambudziko remwana wavo rakatanga apo akange ave negore rimwe chete rekuberekwa.

Vanoti ivo nemurume wavo, VaEdward Sibanda, vane dambudziko rekushaya mari yekuti varapise mwana wavo sezvo anofanirwa kunovhenekwa moyo wake namachiremba.

“Dambudziko remwana wangu rakatanga aine gore rimwe chete uye upenyu hwake ndehwekutambura nguva zhinji. Haana nguva yekunyatsosununguka, kana zvinoita vamwe vana kutamba haana kumbobvira azviita nekuda kwemoyo wake unomunetsa.

“Kuchikoro chaiko akatadza kuenda nekuti aingoti mwedzi uno apinda muchipatara, unouya abuda zvichingodaro kuzosvika atosarira shure pakudzidza kwake. Akazopedzira avhiringika chero pakutevedza zvekuchikoro nekuda kwedambudziko iri,” vakadaro.

“Pakugeza zvose nepakuenda kuchimbuzi anotoita zvekubatsirwa.”

Governor akati chirwere ichi chiri kumutambudza siku nesikati.

“Upenyu hwangu hwese kubva ndichiri mwana mudiki ndehwemarwadzo. Moyo wangu unopisa zvakanyanya uye vanachiremba vanoti handina ropa mumuviri. Ndinogara ndakazvimba zvekuti tsoka dzangu dzinotondiremera zvinozoita kuti makumbo angu ashaye simba.

“Ndinoshuvirawo kuti kana paine vangandibatsira chero nemari kana chii zvacho chingaita kuti dambudziko rangu iri ripere, vanenge vagona. Pari zvino dambudziko guru nderekuti amai vangu nababa vanoshaya mari yekundirapisa sezvo tichigara kumusha kwavanowana mari kubva mukuita maricho, kazhinji munguva yezhizha,” akadaro.

Kune vanoda kubatsira Governor vanogona kuchaya nhare kuna baba vake, VaSibanda, pa0779 400 722 kana amai vake pa0715 368 366.

 

Share This:

Sponsored Links