GRADE 7: ChiShona chinoda sungawirirano

23 Jan, 2015 - 09:01 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
KANA zanda (zai) rikaputsika zvichibva nekunze hupenyu huri mukati hunorasika asi kana zai rikapunzika richibva nemukati panoita hupenyu hunobuda.

Zvinhu zvakakosha zvizhinji zvinobva nemukati (muhana, mumoyo) medu naizvozvo ngative nemoyo wekuda chiShona chedu tigochivandudza tichichisvisvina semasvisviniro atinoda kuita icho chiRungu chakauya nengarava.

Kana munhu akatyora chiRungu vanhu vanokwaya nekumuseka kuti watadza kana kutomushora asi ngaatyore chiShona muone, anotonzi ishasha kana kuti ndivo vemazuva ano ma”salaad”.

Kutyora chiShona kunoita kuti munhu apihwe zita rakanaka chose. Izvi ndizvo zvinoita kuti vana vechikoro tizvitore saizvo zvinofanirwa kuitwa.

Kana munhu akati “oko rangu riri kurwadza” haaonekwe seatyora mutauro nekudaro kana mwana asvika kuchikoro ndizvo zvaanonyora izvozvo vadzidzisi vobva vati bodo akanganisa pasungawirirano otoruza zvibodzwa.

Ngatizivei kuti kuzvikoro kune mitemo yekukwenya inotevedzerwa inonzi “marking scheme kana marking guide”.

Iyoyo inokupinza mumuforo nekuti uchagara uchikohwa padoko nekuda kuita mujaha kana mhandara yamazuva ano. Vamwewo ndivo vanoti “muoko wangu unorwadza”.

Vanokwenya basa havasi vanhu vanobatira chiShona pamusoro asi kuti vane ruzivo rwakanaka nemataurirwo, hazvina basa unobve Manyika kana kuti uri muKaranga.

Chokwadi ndechekuti chiShona chinoda sungawirirano (concordial agreement) saka zvinofanirwa kunzi “ruoko rwangu rwuri kurwadza”.

Unoona mwana achinyora kuti “ukuda kutasei?” Anenge achitevedzera mataurirwo azvinoitwa munharaunda aanotoita uye achida kuburitsa kuti “uri kuda kuita sei?”

Havachati mwana wenyu vava kuti ‘mwana venyu”.

Hanzi, “Pamusha pedu pane miti dzakawanda”. Vakwenyi voti kwete waifanirwa kuti,

“Pamusha pedu pane miti yakawanda”.

Kana iri rondedzero ndipo panoomerwa mukwenyi nekuti pepa rese rinosara rati piriviri kutsvuka nemhosho nekuti achaenderera mberi achiti.

“Pane miti dzemi chero dzepamba nedzemusango. Miti idzi dzinochengetedzwa mushe”.

Zvakawanda zvapotswa ipapa apa zvekuti munhu anokohwa pashoma.

Kunze kwemhosho dzesungawirirano pashandiswa izwi rekuti “mushe”. Mushe hachisi chiShona chamandorokwati.

Vana vanonyora kuti “amai vangu vanofarira kupfeka hembe dzitema”.

Ichi chiShona chava kutorwa sechamandorokwati mumatunhu nekuti ndiwo matauriro anoita rudhende.

Kuti mwana asaruze zvibodzwa aingofanirwa kunyora kuti, “amai vangu vanofarira kupfeka hembe nhema”. Hatiti “mudhebhe wenhema” asi kuti mudhebhe mutema, rokwe jena kwete “rokwe richena”.

Nekuda kwekujairira mutauro wakasanganiswa unonzwa vana vachiti “ndakaenda kutown nesister yangu”. Mukutaura munogona kunzwisisana asi kana vakwenyi voita basa ravo vanoti kwete. Zvinonzi, “Ndakaenda kudhorobha nemukoma kana kuti munin’ina wangu”.

Tine mazwi atakatora kune mimwe mitauro otoda kuona kunge anovaka chiShona asi tozotarisisa changova chijairira zvokuti vana vanozvinyora vasingazive kuti kuposha. Kune mazwi akaita sana stereki, kubhowa kana kuti sisi.

Vakwenyi ndipo vanodaidzwa vachidaira pakadai nekuti mwana aingofanirwa kuisa chaizvo pana stereki, kusvota pana kubhowa kana kuti mukoma pana sisi. Hatingotii shangu pane kuti bhutsu kana kuti ndiro pane kuti mapureti.

Kana iri nyaya yekuverenga nekududza nhamba muchiShona panotori nebasa chairo. Unonzwa mwana achiti “sekuru vangu vane makore mashanu neina” panze pekuti makore makumi mashanu nemana. Zvose izvi tichazvitarisa muzvikamu zvinotevera.

Share This:

Sponsored Links