GRADE 7: Mazita emidziyo

06 May, 2016 - 00:05 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
KARE vanhu vaishandisa midziyo yakasiyana-siyana mumisha kuita mabasa akawanda. Nekuda kwezvakazouya, mimwe midziyo haichashandiswa.

Kwaiva nechainzi chirei. Chirei raiva danda raitemwa riine mhanda, kotorwa mamwe matanda madiki otandira mhanda dziya kuita chirei. Matanda okutandira aiva ekugamha zvitakurwa zvaigadzikwa pachirei ichocho. Midziyo yaitakurwa pachirei yaiva masandanga ayo aikuturiswa zvinhu zvaikohwewa muminda. Masandanga aya kune dzimwe nzvimbo ainzi masengende.

Kwaishandiswawo maturi nemitswi pakutswa zvinhu zvakaita semupunga, chibage chemanhuchu kana mapfunde. Maturi nemitswi izvi zvaichengeterwa muberevere remba. Mumaberevere edzimba umu maichengeterwa zvakare makuyo nehuyo. Makuyo nehuyo zvaishandiswa kukuya hupfu hwezviyo, mhunga mapfunde kana dovi. Paguyo zvakare paimaranzwa nyemba dzekubikisa rupiza.

Midziyo unokuyiswa fodya yebute unonzi nhombo kana kuti chigato.

Hwahwa hwendari kana hwebira hunobikwa nezviyo, mapfunde kana mhunga. Kana doro raparuka rinosvinwa kuchishandiswa chisvino kana kuti tyuzu. Hwahwa hwacho hunobikirwa mumhirimo kana kuti gate.

Sadza, mupunga, mangai kana nhopi zvinobikirwa mutsambakodzi kana kuti tsaiya. Husavi kana muriwo zvinobikirwa muhadyana, chikari kana kuti gapu. Hupfu hwechibage, zviyo, mhunga kana mapfunde hunochengeterwa mudenhe, jeka kana kuti nzeka. Mafuta anochengeterwa muchinu kana munhera.

Kare kwaisauchikwa mbeu. Vanhu vaisarudza mbeu dzakagwinya dzakasvika vodzitokonora vodzichengetera mudende kana guchu. Fodya iya yemumhuno inenge yakuiwa nenhombo kana kuti chibako inoiswa munhekwe, nyere kana kuti tsembe.

Mari inoiswa muchikwama kana kuti chipachi. Mazuva ano kwava nezvihwepura kana kuti zvipunu zvinoshandiswa kudyisa chikafu. Kare kwaishandiswa rukwati kana kuti ruwande.

Hachisi chese chikafu chinoitwa zvekubikwa, chimwe chinoitwa zvekukangwa zvakaita semaputi, mutetenerwa kana nzungu dzemakanda. Munokangirwa zvokudya munonzi mugango kana kuti rwenga. Chiwaya ndiro rimwe zita rinopihwa mudziyo wekukangira zvokudya.

Fodya inoputirwa muchikwepa kana isiri yebute. Kana yava mbanje inenge yoputirwa mugonamombe kana kuti musvitiro. Marara anohorerwa mugwati kana kuti munzengwete. Vamwe vanoti gwande kana kuti zenge.

Kare kwaivakwa dzimba dzaidzururwa nemadhaka. Huriri hwemba hwaienzaniswa kana kutsindirwa nechikuvauro kana kuti chidzayo. Dzimwewo nzvimbo vanoti chirovero.

Hwahwa hwezviyo, mapfunde, mhunga kana chibage kunodirwa mupfuko, mhirimo, mbukuro kana nyengero. Unopepeta kana kuurutsa nerusero kana tsero. Mukaka unokamirwa muhwedza wozokodzekerwa muhodzeko.

Mombe dzinosungwa pajoki pachishandiswa chitorobho uye mombe dzinotyairwa netyava.

Share This:

Sponsored Links