GRADE 7: Mhando dzerondedzero

20 Feb, 2015 - 00:02 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
CHIREVO chinonoti ngatirigamhei richabva Hwedza chinogona kushandiswa kuyambira imi vachangopinda mugwaro rechinomwe kuti murove simbi ichapisa nekuti mberengera yakazoradza mbuya nenzara. Ndinodaro nekuti tsenzi yakangwara inogara yakateya uye shiri yakangwara inovaka dendere rayo neminhenga yedzimwe shiri.

Ukarivara uchiti ndichazoti ndosunga dzisimbe munaNyamavhuvhu kana Gunyana ndipo paunoorera zvese nehundi nekuti mukana wekupeta nekupengenura unenge usisipo.

Izvozvi gore richiri kumavambo zvakanaka kungogara wapakata dzako idzi unozogona kuridza kana nguva yacho yasvika. Rwendo rwuno ndinoda kukupakatisa dzerondedzero nekuti ndipo pane gonye raparadza goho revazhinji. Pakunyorwa kuri kuitwa rondedzero vakwenyi vebasa vari kunyunyuta zvikuru nekurasika kuri kuita vana.

Chikamau chino tinoda kutanga nekutarisa idzo mhando dzerondedzero dzatinogona kusangana nadzo mubvunzo dzedu.

Mhando yekutanga muchirongwa chino irondedzero yetaura nyaya yakaitika (narrative composition). Kashoma kusangana nebvunzo rinoshaya musoro wenyaya wemhando iyoyi. Rondedzero iyi ndiyo inoda vana vaye vane dyaringo nehumhizha hwekutamba nemutauro. Ndimo murondedzero munoratidza zvidavado zvekurunga mutauro sekushandisa madimikira anokodzera, tsumo, nyaudzosingwa, fananidzo, fananidzosiri kana zvipauro.

Mukunyora rondedzero iyi zviito (verbs) zvizhinji zvinonyorwa zvichiratidza nguva yakare (the past form). Unonyora uchitsanangudza zvakaiitika, zvichida urimo muchiitiko kana kuti uchiokera zvako. Kuti rondedzero yako inzi yanakidza inenge yabata mbariro dzepfungwa dzemukwenyi kusvika akwanisa kuumba mufananidzo wezvakaitika kubudikidza nematsanangudziro acho.

Ndiko kusaka ndati ndipo panovhurwa dura riya rizere zvirungamutauro. Parondedzero yemhando iyi ndipo panonyanyopinda musoro yenyaya inoti “Tsaona yandakaona, mabiko andakaenda, musi wandakarumwa nemago” kana kuti Zuva randakarasa mari yebhazi ndiri parwendo”.

Kazhinji misoro yenyaya iyi inenge ichidudza kusuwa kana kufara kwakaitika zvichienderana nemusoro wenyaya. Nokudara nhanganyaya yako ngaivarure gwara richafamba nerondedzero yako. Chibva wabata mukwenyi uchingotanga kunyora.

Hatitori muenzaniso wemusoro wenyaya unoti “Zuva randakarasa mari yebhazi”. Zvinotaura zvega pakungoona musoro wenyaya kuti hakuna kana chakanaka chakazombobuda musi uyu nokudaro unotobva wangotabvura nepahuro sezvizvi:- “Kuvhundutswa kwandakaitwa nemupande wemheni ndichigeza pamwe nemadharameti emabhanan’ana, izvo zvakasiya hana yangu yati yacha panze, zvaishura manenji andakasanagana nawo ndichingosvika muguta reBulawayo”.

Apa mukwenyi atovaka mufaninidzo mumusoro make unoratidza kusafamba zvakanaka kwakazoita zvinhu. Chaunofanirwa kungwarira apa kusarudza musoro waunowana zvekunyora pamusoro pawo.

Nyaya yako iyoyi rangarira kuti inofanirwa kuerera semvura kubva kunhanganyaya kuenda kuchikamu chepiri. Mukwenyi haafaniri kukahadzika kuti woenda nepizve iwe wanga wamupinza mugiya dzvuku kare nenhanganyaya. Anofanirwa kunzwa kuti zvatabva paya tava kuenda apa. Chinotevera nhanganyaya yako ndiwo mutumbi werondedzero umo muchabuda batai batai yakasangana nemurasi wemari. Zvikamu izvozvo zvose ngazvive nehochekoche sengetani dzegejo.

Kuti rondedzero yako ikore pamutumbi, hudzamu hunobva muzvirunga mutauro kunyanya fananidzosiri. Fananidzosiri inosimbisa fanaindzo zvekuti mukwenyi anokwezvwa moyo.

Muenzaniso wefananidzo pamusoro wenyaya wakadai ingauya sekuda:- Ndakarwa semvumba makororo akatiza. Kana ndoda kusimbisa chirevo ichi nefananidzosiri ndinoti: Ndakava mvumba chaiyo makororo akatiza.

Kana ndoda kusimbisa chirevo ichi nefanidzosiri ndinoti: Ndakava mvumba chaiyo makororo ndokuti mwanda.

Handicha zvifananidza nemvumba asi kuti ndatova mvumba pachangu. Saka kana wawana paine musoro unoda kurondedzera nyaya yakaitika chibidinura zvirungamutauro kutsi kwepfungwa wotsvetera panokodzera.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey