GRADE 7: Munhava munei Part V

28 Nov, 2014 - 09:11 0 Views

Kwayedza

Ticha Danga
VAKOMANA nevasikana woye ngatirege kuda kuzoundira munda mvura yanaya. Ino ndiyo nguva yekuzadza nhava dzedu noruzivo kuitira kuti kana nguva iya yekutanga chikoro chepamusoro yasvika, tinenge takagadzirira.

Zvatakapedza kunyora bvunzo hazvirevi dzidzo yaguma.

Kudzidza hakuperi zvakare hakudi chinepfu nekuti ndiyo nhaka yega yeupenyu yausina anokukuurira. Zvinotoda wamira wega pachako.

Chikamu chapera, ndakabata dzimwe dzetsumo dzakadzama dzisingawanzotaurwi nevazhinji.

Donzvo nderekuti tipfumise mutauro wedu nekuparadzira hwaro hweChiShona chamandorokwati huti farara pose- pose. Handina kunge ndapedza tsumo idzi saka ndati ndipendere chikamu chino nekudzipedzisa.

Zvinonzi kuramba dzvuku kuona jena. Ndizvo zvimwe chete nekuti kuramba butu uno mukonya.

Zvinoreva izvo kuti munhu anoramba chinhu chaanacho kana chaapiwa achiti hachina kukodzera anenge aine chimwe chaainacho chiri nani.

Ndipo panonzi navakuru kuita kweabaya kuti chiropa hachiseveswi.

Vamwewo vanokandawo tsumo inoti kuramba nyama yechidembo unenge uine yetsuro kana kuti kwamba rutsakara hunge uine maziviro.

Kune pamwe pekuti vanhu vanorongera munhu nzira dzekumukuvadza nadzo.

Hongu, anogona kupinda munjodzi yaarongerwa ndokunge akapusa.

Kana akangwara munenge muchitorasa simba nenguva kurongera munhu akachenjera nokuti iye anoita dzimwe mhindu-pindu dzekunzvenga hurongwa ihwohwo. Ndipo panonzi navagoni kutamba nesanhu kutemera nyoka ruzhowa.

Maisiri haatyi manenji esango. Iyi tsumo ndiyo imwe chete neinoti hombarume haaiti shura nesango. Zvinodudza izvo kuti munhu ane chinangwa chake haaite chinepfu kana zvorema. Anoramba achishingirira kusvikira abudirira. Haarase mwoyo kunyange akasangana nezvigozhero, kunyanya kana ari nyanzvi mukuita chinhu ichocho.

Hanzi rugare rwedafi rwunouya nemvura kunaya. Mauiro erugare muvanhu anosiyana-siyana nguva dzacho.

Kune vamwe vanowana makomborero kana zvimwewo zvinofadza nenguva dziri kure nakure uye kwenguva pfupi. Nokudaro vanobva vafara zviya zvakanyanyisisa.

Chiitiko chakamirirwa chinoonekwa sokunge chanyanyononoka kuitika kunyange zvazvo chichizoitika nenguva yachinofanirwa kuitika kana yachinogaroitika mazuva mazhinji.

Vakamirira vaya unonzwa voti shambakodzi yakarindwa haiviri.

Vakuru vanoti tenda wakohwa zvemunda wezunde.

Iyi tsumo inoyambira kusawanzotarisira mubairo pashandwa neruzhinji.

Zvinhu zveruzhinji ndezve ruzhinji unotozofara kana uine chawazowanawo pazviri.

Kunyange mukushanda basa makawanda iwe unogona kushaya mubairo pazviri.

Hanzi uzivi hwenzira huri mugumbo kana kuti chedaunha chine musoni.

Ndizvo zvimwe chete nekuti chegudza chiri kumuruki.

Zvinoreva kuti munhu ane chinhu chake anochishandisa sekuda kwake.

Kana akazvikanganisira haana waanozochema naye nekuti anenge ari ndiye ega nyakuzvikanganisira.

Vanhu vanogara pamwe chete vanobatsirana munguva dzematambudziko.

Vanhu vamwe chete vakabatana vanoyamurana.

Ndipo panopinda tsumo inoti vagere pachavo vangonyinda kana kuti vari pachavo chikurikuri.

Zvinonzi wegudza ndewegudza, kufuga gumbeze rinotsva. Ndizvo zvimwe chete netsumo inoti nhamo ine dzimba dzayo.

Izvi zvinoreva kuti munhu wekutambudzika ndewe kutambudzika.

Nhamo dzinogara dzakaita mukuze paari.

Kupetera chirongwa chino ichi ndava kungoti zeve-zeve chirevo hamawe-e.

Share This:

Sponsored Links